|
| 1 |
|
| Vanatenzi batai varanda venyu zvino ruenzaniso uye zvakarurama muchizivawo kuti imi muna tenzi kudenga. |
|
| 2 |
|
| Rambai muchinamata, mungwarire kunamata muchitenda. |
|
| 3 |
|
| Mutinamatirewo kuti Mwari atizarurire musuo weshoko kuti tiparidze zvakavandika zvaKristu. Ndiri muno mujeri pamusana pazvo |
|
| 4 |
|
| kuti ndiri tsanangure zviri pachena sezvandinofanira kuti ndiite. |
|
| 5 |
|
| Fambidzanai noungwaru navasiri mubato renyu. Pane zvenguva, mototi chawawana batisa. |
|
| 6 |
|
| Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai. |
|
| 7 |
|
| Tikikusi achakuzivisai nezvangu zvese. Ihama yapamwoyo, mushandiri akatendeka mushandipamwechete muna Tenzi. |
|
| 8 |
|
| Izvozvi ndizvo zvakaita kuti ndimutumire kwamuri kuti imi muzive kuti isu takadii uye kuti, agokukurudzirai |
|
| 9 |
|
| Ndamutumira pamwechete naOnesimo hama yakatendeka yapamwoyo, mumwe wenyu. Vachakutaurirai zvose zvakaitika kuno. |
|
| 10 |
|
| Muri kukwaziswa naAristakusi, musungwa pamwechete neni uye Mariko munun'una wamakarairirwa nezvake. Kana auya kwamuri mugamuchirei |
|
| 11 |
|
| naJesu anonzi Jusutusi ivava ndivo chete vokudzingiswa pakati pavashandipamwe neni muumambo hwaMwari, ndivo vaindinyaradza. |
|
| 12 |
|
| Epafurasi, mumwe wenyu, muranda waKristu Jesu, ari kukukwazisai. Anokuyeukai nguva dzose mumunamato kuti muve vanhu vabve zano uye muchinyatsoziva zvose zvinodiwa naMwari. |
|
| 13 |
|
| Ini ndinomupupurira kuti akakushandirai zvakaoma imi nevokuRaodhesia nevokuHeraporisi. |
|
| 14 |
|
| Ruka, chiremba wapamwoyo naDhemasi vanokukwazisai. |
|
| 15 |
|
| Ndikwazisireiwo hama dziri muRaodhesia naNipfa nesangano riri pamusha pake. |
|
| 16 |
|
| Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, ngaiverengwewo musangano rovokuRaodhesia. Imiwo munofanira kuzoverenga yokuRaodhesia. |
|
| 17 |
|
| Muti kuna Achipusi, “Unofanira kuita basa rawakagamuchira kuna Tenzi.” |
|
| 18 |
|
| Ndini Pauro ndinonyora noruoko rwangu ndichikukwazisai. Yeukai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi. |
|
|
|
|