|
| 1 |
|
| Nokuti Nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. |
|
| 2 |
|
| Asi kunyange takatambudzika nokuitirwa zvakaipa paFiripi, sezvamunoziva, takatsunga munaMwari wedu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru. |
|
| 3 |
|
| Nokuti kuraira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera; |
|
| 4 |
|
| asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe evhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari unoidza moyo yedu. |
|
| 5 |
|
| Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira fuma, Mwari chapupu; |
|
| 6 |
|
| tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapositora vaKristu. |
|
| 7 |
|
| Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; |
|
| 8 |
|
| saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemwi evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduvo, nokuti makanga madikamwa nesu kwazvo. |
|
| 9 |
|
| Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata vusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai evhangeri yaMwari. |
|
| 10 |
|
| imwi muri zvapupu, naMwarivo, kuti taifamba novutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imwi vanotenda. |
|
| 11 |
|
| Sezvamunoziva, kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, |
|
| 12 |
|
| tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye unokudanirai kuvushe bwake nokubwinya kwake. |
|
| 13 |
|
| Saka isuvo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatavo mukati menyu, imwi munotenda. |
|
| 14 |
|
| Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhiya munaKristu Jesu; nokuti nemivo makatambudzwa saizvozvo novokwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha, |
|
| 15 |
|
| Ndivo vakavuraya Ishe Jesu navaporofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose. |
|
| 16 |
|
| vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswe; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma. |
|
| 17 |
|
| Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemwi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tivonane nemwi pachiso; |
|
| 18 |
|
| naizvozvo taida kuvuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uye zve rwechipiri, asi Satani wakatidzivisa. |
|
| 19 |
|
| Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu Kristu pakuvuya kwake? |
|
| 20 |
|
| Nokuti imwi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu. |
|
|
|
|