|
| 1 |
|
| Nokuti nemi, hama dzangu, munoziva kuti kupinda kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. |
|
| 2 |
|
| Asi takati tatambudzika nokuitirwa zvakaipa muFiripi, sezvamunoziva, takatsunga muna Mwari wedu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari pakati pokudziviswa kukuru. |
|
| 3 |
|
| Nokuti kurayira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera; |
|
| 4 |
|
| asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Vhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoedza mwoyo yedu. |
|
| 5 |
|
| Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira pfuma, Mwari chapupu; |
|
| 6 |
|
| tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapostori vaKristu. |
|
| 7 |
|
| Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; |
|
| 8 |
|
| saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. |
|
| 9 |
|
| Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari. |
|
| 10 |
|
| Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda. |
|
| 11 |
|
| Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, |
|
| 12 |
|
| tichikurayirai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake. |
|
| 13 |
|
| Saka isuo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda. |
|
| 14 |
|
| Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke raMwari riri muJudhea muna Kristu Jesu; nokuti nemiwo makatambudzwa saizvozvo novekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha. |
|
| 15 |
|
| Ndivo vakauraya Ishe Jesu navaPorofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose; |
|
| 16 |
|
| vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswa; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma. |
|
| 17 |
|
| Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso; |
|
| 18 |
|
| naizvozvo taida kuuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uyezve rwechipiri, asi Satani akatidzivisa. |
|
| 19 |
|
| Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paIshe wedu Jesu pakuuya kwake? |
|
| 20 |
|
| Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu. |
|
|
|
|