Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAteni; |
| 2 |
| tikatuma Timoti, hama yedu, mushumiri waMwari paVhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai mwoyo pakutenda kwenyu; |
| 3 |
| kuti kurege kuva nomunhu anozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo. |
| 4 |
| Nokuti tichiri kwamuri takambokuudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva. |
| 5 |
| Saka iniwo, zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muedzo wakakuedzai, izvo zvatakabata zvikava pasina. |
| 6 |
| Asi zvino Timoti akati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akatiudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida kutiona isu sesuwo tichida kukuonai imi; |
| 7 |
| saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu; |
| 8 |
| nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba muna Ishe. |
| 9 |
| Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu, |
| 10 |
| tichingokumbira zvikuru usiku namasikati kuti tione chiso chenyu, kuti tizadzise zvakatairira pakutenda kwenyu? |
| 11 |
| Zvino iye Mwari, Baba vedu, naIshe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri; |
| 12 |
| ishe akukurisei, akuwanzisirei rudo pakati penyu nokuna vose, sezvatinoita isu kwamuri, |
| 13 |
| asimbise mwoyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pautsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu pamwechete navatsvene vake vose. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/1thessalonians/003.mp3
5
3