|
| 1 |
|
| Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai muna Ishe Jesu, kuti, sezvamadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokunzwisisa panaizvozvo. |
|
| 2 |
|
| Nokuti munoziva mirairo yatakakupai naIshe Jesu. |
|
| 3 |
|
| Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe; |
|
| 4 |
|
| kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa, |
|
| 5 |
|
| asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari; |
|
| 6 |
|
| munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuudzaiwo nokukupupurirai kwazvo. |
|
| 7 |
|
| Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi utsvene. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo anoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, anokupai Mweya wake, iwo Mutsvene. |
|
| 9 |
|
| Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane; |
|
| 10 |
|
| nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi; |
|
| 11 |
|
| shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibata basa namaoko enyu, sezvatakakurairai; |
|
| 12 |
|
| kuti mufambe nomutoo wakafanira kuna vari kunze, musingashayiwi chinhu. |
|
| 13 |
|
| Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushayiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasina tariro. |
|
| 14 |
|
| Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye. |
|
| 15 |
|
| Nokuti tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakavata. |
|
| 16 |
|
| Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; |
|
| 17 |
|
| zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naIshe nguva dzose. |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo nyaradzanai namashoko aya. |
|
|
|
|