|
| 1 |
|
| Hama dzangu, kana zviri zvemisi nenguva hazvina chazvinokubatsirai kukunyorerai nezvazvo |
|
| 2 |
|
| nokuti imi pachenyu munonyasozviziva kuti zuva raTenzi richauya sembavha usiku. |
|
| 3 |
|
| Vanhu pavanenge voti kune rugare uye hakuna chinotiwana, pakare pakarepo ndipo pavanobva vavingwa nokuparadzwa sokuuya kunoita kurwadziwa pamukadzi ana pamuviri. Hapana zvokupukunyuka. |
|
| 4 |
|
| Asi imi hamusi murima hama dzangu, kuti zuva iroro riyerekane rakunyangirai sembavha. |
|
| 5 |
|
| Chikonzero chacho ndechokuti imi mose muri vana vechiedza uye muri vana vamasikati. Hatisi vanhu vousiku kana verima. |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo ngatiregei kukotsira sezvinoita vamwe. Asi ngatirambei takasvinura, pfungwa dzedu dziri pamwechete |
|
| 7 |
|
| Vanokotsira, vanokotsira usiku. Vanoraradzawo vanoraradza usiku. |
|
| 8 |
|
| Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso. |
|
| 9 |
|
| Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu |
|
| 10 |
|
| akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye. |
|
| 11 |
|
| Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino. |
|
| 12 |
|
| Hama dzangu, tinokukumbirisai kuti muremekedze vanoshanda pakati penyu vanokurairai uye vari ivo vakuru vari pamusoro penyu zvichibva muna Tenzi vanokurairai. |
|
| 13 |
|
| Vakudzei kwazvo muine rudo navo pamusana pebasa ravo. Imi garisanai zvakanaka. |
|
| 14 |
|
| Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose. |
|
| 15 |
|
| Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka. |
|
| 16 |
|
| Farai nguva dzose. |
|
| 17 |
|
| Namatai nguva dzose |
|
| 18 |
|
| uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu. |
|
| 19 |
|
| Musadzimure Mweya Mutsvene. |
|
| 20 |
|
| Musashore chiporofita, |
|
| 21 |
|
| asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei. |
|
| 22 |
|
| Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo. |
|
| 23 |
|
| Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. |
|
| 24 |
|
| Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita. |
|
| 25 |
|
| Hama tinamatireiwo. |
|
| 26 |
|
| Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene. |
|
| 27 |
|
| Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose. |
|
| 28 |
|
| Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake. |
|
|
|
|