|
| 1 |
|
| Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, pamsoro pokuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu, nokuʋuŋgana kweɗu kwaari; |
|
| 2 |
|
| kuti murege kukurumidza kuzunuŋguswa pakufuŋga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomŋeya, kana neshoko, kana neŋwadi, inonzi inobva kwatiri, muciti zuʋa raKristu ratoȿika; |
|
| 3 |
|
| ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai nomutoʋo upi noupi; nokuti hariȿiki, kana kutsauka kusati kwataŋga kuʋuya, nomunhu weɀiʋi, mŋanakomana wokurashika, asati amboʋonekwa, |
|
| 4 |
|
| iye, unorwa aciɀikudza pamsoro peɀose ɀinonzi Mŋari, kana ɀinonamatwa; nokuɗaro kuti unogara mutembere yaMŋari, aciɀiita Mŋari. |
|
| 5 |
|
| Hamuraŋgariri here kuti, ndiciri kwamuri, ndakakuʋudzai iɀoɀi? |
|
| 6 |
|
| Ɀino munoziʋa cinodziʋisa, kuti aratidzwe neŋguʋa yake. |
|
| 7 |
|
| Nokuti cakaʋanzika cokusarurama cotoɓate‐ɓasa raco; asi ɀicaitwa ɓedzi kuȿikira iye unodziʋisa ɀino acibviswa. |
|
| 8 |
|
| Ipapo iye usakarurama ucaʋonekwa, iye ucaʋurawa naShe Jesu nomŋeya womuromo wake, aciparadza nokuʋonekwa kwokuʋuya kwake; |
|
| 9 |
|
| kuʋuya kwake iye kwakaita seɓasa raSatani nesimba rose, neɀiratidzo, neɀinoshamisa ɀenhema, |
|
| 10 |
|
| nokunyeŋgera kwose kwokusarurama kunaʋanorashika; nokuti haʋana‐kugamucira ruɗo rweɀokwaɗi, kuti ʋaponeswe. |
|
| 11 |
|
| Saka Mŋari unoʋatumira simba rokukaŋganisa, kuti ʋatende nhema, |
|
| 12 |
|
| kuti ʋose ʋasina‐kutenda ɀokwaɗi, asi ʋakafarira ɀisakarurama, ʋatoŋgwe. |
|
| 13 |
|
| Asi isu tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋaShe, nokuti Mŋari wakakusanaŋgurai kubva pakutaŋga, kuti muponeswe muʋutȿene bgoMŋeya nokutenda ɀokwaɗi. |
|
| 14 |
|
| Iɀo ɀaakakuɗanirai neEvaŋgeri yeɗu, kuti muwane kubginya kwaShe weɗu Jesu Kristu. |
|
| 15 |
|
| Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, mirai makasimba, muceŋgete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana neŋwadi yeɗu. |
|
| 16 |
|
| Ɀino, Ishe weɗu Jesu Kristu amene, naMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, ʋakatiɗa, ʋakatipa nenyasha dzaʋo kuʋaraidzwa kusiŋgaperi netariro yakanaka, |
|
| 17 |
|
| ŋgaʋaʋaraidze mŋoyo yenyu, ʋakusimbisei pamaɓasa ose namashoko ose akanaka. |
|
|
|
|