|
| 1 |
|
| Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nokuungana kwedu kwaari; |
|
| 2 |
|
| kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomweya, kana neshoko, kana netsamba, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika; |
|
| 3 |
|
| ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa, |
|
| 4 |
|
| iye, anorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti anogara muTemberi yaMwari, achizviita Mwari. |
|
| 5 |
|
| Hamurangariri here kuti, ndichiri kwamuri, ndakakuudzai izvozvi? |
|
| 6 |
|
| Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake. |
|
| 7 |
|
| Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobata basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye anodzivisa zvino achibviswa. |
|
| 8 |
|
| Ipapo iye asakarurama achaonekwa, iye achaurawa naIshe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuonekwa kwokuuya kwake; |
|
| 9 |
|
| kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, |
|
| 10 |
|
| nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. |
|
| 11 |
|
| Saka Mwari anovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, |
|
| 12 |
|
| kuti vose vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe. |
|
| 13 |
|
| Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwi vaIshe, nokuti Mwari akakutsanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muutsvene hwoMweya nokutenda chokwadi. |
|
| 14 |
|
| Izvo zvaakakudanirai neVhangeri yedu, kuti muwane kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. |
|
| 15 |
|
| Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirayiro yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu. |
|
| 16 |
|
| Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari Baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka, |
|
| 17 |
|
| ngavavaraidze mwoyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka. |
|
|
|
|