|
| 1 |
|
| Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raIshe ripfuure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyuwo; |
|
| 2 |
|
| uye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda. |
|
| 3 |
|
| Asi Ishe ndiye akatendeka, achakusimbisai, nokukuchengetai kune wakaipa. |
|
| 4 |
|
| Tinokutendai muna Ishe, kuti munoita, uye mucharamba muchiita, izvo zvatinokurayirai. |
|
| 5 |
|
| Ishe ngaaruramise mwoyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu. |
|
| 6 |
|
| Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirairo yamakapiwa nesu; |
|
| 7 |
|
| nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; |
|
| 8 |
|
| hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu; |
|
| 9 |
|
| hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere. |
|
| 10 |
|
| Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.” |
|
| 11 |
|
| Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe. |
|
| 12 |
|
| Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene. |
|
| 13 |
|
| Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka. |
|
| 14 |
|
| Kana pano munhu asingateereri shoko redu remutsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. |
|
| 15 |
|
| Regai henyu kumuedza muvengi, asi mumurayire sehama. |
|
| 16 |
|
| Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitoo yose. Ishe ngaave nemi mose. |
|
| 17 |
|
| Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora kudai. |
|
| 18 |
|
| Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. |
|
|
|
|