Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, |
| 2 |
| madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. |
| 3 |
| Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. |
| 4 |
| Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. |
| 5 |
| Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. |
| 6 |
| Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. |
| 7 |
| Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kuvaHedheni. |
| 8 |
| Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo. |
| 9 |
| Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, |
| 10 |
| asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari. |
| 11 |
| Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. |
| 12 |
| Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. |
| 13 |
| Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. |
| 14 |
| Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa uye akava mutadzi. |
| 15 |
| Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/1timothy/002.mp3
6
2