|
| 1 |
|
| Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda uye vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. |
|
| 2 |
|
| Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. |
|
| 3 |
|
| Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. |
|
| 4 |
|
| Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, |
|
| 5 |
|
| nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. |
|
| 6 |
|
| Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. |
|
| 7 |
|
| Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari. |
|
| 8 |
|
| Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya. |
|
| 9 |
|
| Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere |
|
| 10 |
|
| uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda. |
|
| 11 |
|
| Rayira uye udzidzise zvinhu izvi. |
|
| 12 |
|
| Munhu ngaarege kuvapo anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo. |
|
| 13 |
|
| Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa. |
|
| 14 |
|
| Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru. |
|
| 15 |
|
| Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako. |
|
| 16 |
|
| Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa. |
|
|
|
|