|
| 1 |
|
| Vose vari mujoko rouranda vanofanira kuziva kuti vatenzi vavo vanofanira kupiwa rukudzo rwose kuti zita raMwari uye chidzidziso ichochi chirege kushorwa. |
|
| 2 |
|
| Avo vana vatenzi vanotenda havafaniri kusaremekedzwa pamusana pokuti vave hama nehama navo asi vavakutofanira kuvashandira zviri nani nokuti ivo vanobatsirwa nezvavanoshanda vatendi uye vadikanwi. Izvi unofanira kuzvidzidzisa vanhu nokuvakurudzira kuita. |
|
| 3 |
|
| Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari |
|
| 4 |
|
| anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose |
|
| 5 |
|
| nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho. |
|
| 6 |
|
| Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo |
|
| 7 |
|
| nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika |
|
| 8 |
|
| asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. |
|
| 9 |
|
| Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa |
|
| 10 |
|
| nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru. |
|
| 11 |
|
| Asi iwe munhu waMwari siyana nezvinhu izvi. Vavarira ururami, kuzvipira kuna Mwari nechitendero norudo nokuva nemwoyo mumwechete nounyoro. |
|
| 12 |
|
| Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. |
|
| 13 |
|
| Pamberi paMwari anopa upenyu kuzvinhu zvose uye pamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paumboo hwake pamberi paPontio Pirato, |
|
| 14 |
|
| ndinokukomeresa kuti uchengete mutemo usina kusvibiswa uye pasina chaunopomerwa kusvikira kuzviratidza kwaTenzi wedu Jesu Kristu. |
|
| 15 |
|
| Izvi zvichazoratidzwa panguva yakakodzera naiye wamakomborero, Mambo wamadzimambo naTenzi wavatenzi |
|
| 16 |
|
| iye oga chirambakusakara; asingafi anogara muchiedza chisingasvikiki; asina kumboonekwa nomunhu uye asingagoni kuonekwa. Iye ngaarumbidzwe noutongi husingaperi. Ameni. |
|
| 17 |
|
| Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza. |
|
| 18 |
|
| Vanofanira kuita zvakanaka vavevo vapfumi mumabasa akanaka vanopa vachida vavewo vanamupanegombe vasingapi vachikonyodza. |
|
| 19 |
|
| Saizvozvo vachazvivakira ugaro hwakanaka hweramangwana ravo vachizozviwanira upenyu ihwohwo hwezvirokwazvo. |
|
| 20 |
|
| Iwe Timoti chengetedza zvakaiswa mumaoko mako kuti uchengete. Siyana nokutaura kusinei naMwari zvinopesana nezvinenge zvichinzi ichokwadi izvo zvisiri chokwadi. |
|
| 21 |
|
| Vamwe vakatevera izvozvo vakarasika gwara rechitendero. Chikomborero chenyasha ngachive nemi. |
|
|
|
|