|
| 1 |
|
| Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu. |
|
| 2 |
|
| Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogona vo kudzidzisa vamwe. |
|
| 3 |
|
| Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. |
|
| 4 |
|
| Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bwuno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. |
|
| 5 |
|
| Nomunhuvo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa. |
|
| 6 |
|
| Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko. |
|
| 7 |
|
| Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose. |
|
| 8 |
|
| Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paevhangeri yangu; |
|
| 9 |
|
| yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. |
|
| 10 |
|
| Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi. |
|
| 11 |
|
| Ishoko rechokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararama vo pamwe chete naye. |
|
| 12 |
|
| Kana tikatsungirira, tichabata vushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatirambavo. |
|
| 13 |
|
| Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye. |
|
| 14 |
|
| Uvayevudzire zvinhu izvi, uvaraire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo dzisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa. |
|
| 15 |
|
| Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko rechokwadi. |
|
| 16 |
|
| Nzvenga kutaura kusinehanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari, |
|
| 17 |
|
| neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto; |
|
| 18 |
|
| ivo vakarashika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwavamwe. |
|
| 19 |
|
| Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama. |
|
| 20 |
|
| Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi mimwe yamatanda vo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. |
|
| 22 |
|
| Asi tiza kuchiva kovujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomoyo wakachena. |
|
| 23 |
|
| Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. |
|
| 24 |
|
| Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, |
|
| 25 |
|
| unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva chokwadi, |
|
| 26 |
|
| vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake. |
|
|
|
|