|
| 1 |
|
| Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. |
|
| 2 |
|
| Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe. |
|
| 3 |
|
| Utambudzike pamwechete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. |
|
| 4 |
|
| Hakuna munhu anorwa papfumo anozvipinganidza namabasa ohupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. |
|
| 5 |
|
| Nemunhuwo kana achivhivhana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvhivhana sezvakarayirwa. |
|
| 6 |
|
| Murimi anobata basa ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko. |
|
| 7 |
|
| Funga zvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pazvinhu zvose. |
|
| 8 |
|
| Rangarira Jesu Kristu akamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza neVhangeri yangu; |
|
| 9 |
|
| yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. |
|
| 10 |
|
| Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwechete nokubwinya kusingaperi. |
|
| 11 |
|
| Ishoko rechokwadi; “Nokuti kana tikafa pamwechete naye tichararamawo pamwechete naye. |
|
| 12 |
|
| Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwechete naye; kana tikamuramba, iye achatirambawo. |
|
| 13 |
|
| Kana isu tisakatendeka iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.” |
|
| 14 |
|
| Uvayeuchidze zvinhu izvi, uvarayire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo zvisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa. |
|
| 15 |
|
| Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu akatendeka, mubati asingafaniri hake kunyadziswa, anonatsa kururamisa shoko rechokwadi. |
|
| 16 |
|
| Nzvenga kutaura kusina hanya naMwari; nokuti vanhu vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari, |
|
| 17 |
|
| neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kuna Himenayo naFireto; |
|
| 18 |
|
| ivo vakarasika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuura, vachikanganisa kutenda kwavamwe. |
|
| 19 |
|
| Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, “Ishe anoziva vanhu vake;” uye “Mumwe nomumwe anoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.” |
|
| 20 |
|
| Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. |
|
| 22 |
|
| Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. |
|
| 23 |
|
| Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. |
|
| 24 |
|
| Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, |
|
| 25 |
|
| anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi, |
|
| 26 |
|
| vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhori, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake. |
|
|
|
|