|
| 1 |
|
| Nzwisisa izvi zvokuti kumazuva okupedzisira kuchauya nguva yenhamo |
|
| 2 |
|
| nokuti vanhu vachava vanhu vanozvida vanokara mari, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina hanya naMwari |
|
| 3 |
|
| vasingamboona kuti munhu chii, vasingagoni kuyanana navamwe, vana makuhwa, madzenga avanhu, namagandanga zvawo, vavengi vezvinhu zvakanaka |
|
| 4 |
|
| navanhu vasingavimbiki, vanhu vasingabatiki pavo, vanozvitutumadza, vanoda mafaro kupinda Mwari |
|
| 5 |
|
| vanechitendero chechipameso ivo vachiramba simba racho. Siyana navanhu vakadaro. |
|
| 6 |
|
| Pakati pavo ndipo pana vamwe vanopinda mudzimba dzavanhu vachikachikira vakadzi vakaneta neta uye vakaremerwa nezvitadzo, vanopeperetswa nezvinhu zvose, zvose |
|
| 7 |
|
| vanotevera munhu wose wose vasingagoni kusvika pakunzwisisa chokwadi. |
|
| 8 |
|
| Sezvakaita Janesi naJamburesi vakapikisa Mosesi, saizvozvo vanhu ava vanopesanawo nechokwadi. Vane pfungwa dzakaora. Vanhu vakakundika muchitendero chavo. |
|
| 9 |
|
| Asi hapana kwavanosvika nokuti munhu wose achaziva upenzi hwavo sezvakangoitika kuna varume vaviri ava. |
|
| 10 |
|
| Asi iwe wakanyatsoongorora zvandinodzidzisa, nomugariro wangu, nechinangwa changu muupenyu nechitendero changu nomwoyo murefu wangu norudo rwangu uye kuramba ndakatsungirira kwangu |
|
| 11 |
|
| nokutambudzwa kwangu uye nhamo dzangu nezvakandiwira kuAntioku nokuIkoniyo nokuRisitira nokutambudzwa kwandakatirira, asi Tenzi akandinunura kune zvose izvozvi. |
|
| 12 |
|
| Vose vanoda upenyu hwokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa |
|
| 13 |
|
| asi vanhu vakaipa navanobata vanhu kumeso vanoramba vachinyanya kutadza vachinyengedza vamwe ivowo vachinyengedzwa. |
|
| 14 |
|
| Asi iwe ramba uri munezvawakadzidza uye zvawadavira nemwoyo wose uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani. |
|
| 15 |
|
| Unofanira kuziva kuti waiziva kubvira pauduku hwako Magwaro Matsvene anokwanisa kukudzidzisa kuti uponeswe nechitendero chako muna Kristu Jesu. |
|
| 16 |
|
| Magwaro Matsvene ose akafemerwa naMwari uye ane basa pakudzidzisa napakutsiura napakugadziridza munhu uye pakudzidzisa kuita zvakanaka |
|
| 17 |
|
| kuti munhu waMwari ave akakwana akagadzirira basa ripi neripi rakanaka. |
|
|
|
|