|
| 1 |
|
| Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake. |
|
| 2 |
|
| Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. |
|
| 3 |
|
| Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. |
|
| 4 |
|
| Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano. |
|
| 5 |
|
| Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako. |
|
| 6 |
|
| Kana ndiri ini ndatosvika pokuti ndichiitwa chibayiro. Nguva yangu yokuenda yasvika. |
|
| 7 |
|
| Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero. |
|
| 8 |
|
| Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake. |
|
| 9 |
|
| Edza napaunogona kuuya kwandiri nokukurumidza |
|
| 10 |
|
| nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia. |
|
| 11 |
|
| Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita. |
|
| 12 |
|
| Tikikusi ndakamutuma kuEfeso. |
|
| 13 |
|
| Kana wouya ndivigirewo bhachi randakasiya naKariposi kuTiroasi uye mabhuku zvikuru amatehwe ose okunyorera. |
|
| 14 |
|
| Arekizanda, mupfuri wesimbi akandiitira zvakaipa zvikuru. Tenzi achamutsividza zviito zvake. |
|
| 15 |
|
| Kana iwewo muchenjerere nokuti anopikisana kwazvo neshoko redu. |
|
| 16 |
|
| Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo. |
|
| 17 |
|
| Asi Tenzi ndiye akanditsigira akandipa simba kuti ndiparidze shoko zvizere kuti vechirudzi vose varinzwe. Ndizvozvo ndakanununurwa mukanwa meshumba. |
|
| 18 |
|
| Tenzi achandinunura kumabasa ose akaipa achindichengetedzera umambo hwake hwokudenga. Iye ngaarumbidzwe narini narini. Ameni. |
|
| 19 |
|
| Ndikwazisirewo Pirisika naAkwira nevemba yaOnesiforosi. |
|
| 20 |
|
| Erasitosi akasara Kukorinde. Tirofimosi ndakamusiya achirwara kuMiretusi. |
|
| 21 |
|
| Edza kuuya mwaka wechando usati wauya. Yubhurosi anokukwazisa naPudhenzi naRinusi naKiraudhia nevehama vose. |
|
| 22 |
|
| Tenzi ngaave newe. Chikomborero chenyasha ngachive newe. |
|
|
|
|