|
| 1 |
|
| Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, iye achatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwake noushe hwake; |
|
| 2 |
|
| paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyangwe isakafanira; rayira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa. |
|
| 3 |
|
| Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, |
|
| 4 |
|
| vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano. |
|
| 5 |
|
| Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuvhangeri, upedzise basa rako kwazvo. |
|
| 6 |
|
| Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika. |
|
| 7 |
|
| Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; |
|
| 8 |
|
| kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake. |
|
| 9 |
|
| Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri. |
|
| 10 |
|
| Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatia, naTito akaenda Dharimatia. |
|
| 11 |
|
| Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa. |
|
| 12 |
|
| Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. |
|
| 13 |
|
| Nguo yandakasiya paTiroa kuna Karipo, uuye nayo pakuuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe. |
|
| 14 |
|
| Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva paakaita napo; |
|
| 15 |
|
| newewo umuchenjere, nokuti akadzivisa zvikuru mashoko edu. |
|
| 16 |
|
| Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi. |
|
| 17 |
|
| Asi Ishe akamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba. |
|
| 18 |
|
| Ishe achandirwira pamabasa ose akaipa, achandiponesa ndipinde ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi–peri. Ameni. |
|
| 19 |
|
| Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, neimba yaOnesiforo. |
|
| 20 |
|
| Erasito akasara paKorinde, asi Tirofimo ndakamusiya paMiretusi achirwara. |
|
| 21 |
|
| Shingaira kuuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRino, naKiraudhiya nehama dzose vanokukwazisa. |
|
| 22 |
|
| Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. |
|
|
|
|