Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino iwe, taura zvakafanira dzidziso yakarurama. |
| 2 |
| Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira; |
| 3 |
| saizvozvovo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka; |
| 4 |
| kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo. |
| 5 |
| vave vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. |
| 6 |
| Saizvozvovo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara; |
| 7 |
| pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa., |
| 8 |
| nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushovorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asi nechinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu. |
| 9 |
| Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari; |
| 10 |
| vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose. |
| 11 |
| Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, |
| 12 |
| Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino, |
| 13 |
| takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu. |
| 14 |
| wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka. |
| 15 |
| Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/titus/002.mp3
3
2