|
| 1 |
|
| Uyeuchidze kuti vanhu vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, |
|
| 2 |
|
| kuti varege kuchera vamwe, kuti vagare murunyararo uye vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. |
|
| 3 |
|
| Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, uye takatapwa nokuchiva kwose uye nezvinofadza. Taigara muruvengo negodo, tichivengwa nokuvengana. |
|
| 4 |
|
| Asi pakaratidzwa ngoni norudo rwaMwari Muponesi wedu, |
|
| 5 |
|
| akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene, |
|
| 6 |
|
| uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, |
|
| 7 |
|
| kuitira kuti mushure mokunge tashayirwa mhosva nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tine tariro youpenyu husingaperi. |
|
| 8 |
|
| Iri ishoko rezvokwadi. Uye ndinoda kuti usimbise kwazvo zvinhu izvi, kuitira kuti vaya vakatenda Mwari vachenjere kuti varambe vachiita mabasa akanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira munhu wose. |
|
| 9 |
|
| Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri. |
|
| 10 |
|
| Yambira munhu anotsausa, kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye. |
|
| 11 |
|
| Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene. |
|
| 12 |
|
| Pandichatuma Atema kana Tikiko kwauri, edza napaunogona napo pose kuti uuye kwandiri paNikopori, nokuti ndichagarako panguva yechando. |
|
| 13 |
|
| Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporo parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu. |
|
| 14 |
|
| Vanhu vedu vanofanira kudzidza kuzvipira kuita zvakanaka, kuitira kuti vagone kutibatsira pazvinhu zvinodiwa mazuva ose uye kuti vasararama upenyu husina zvibereko. |
|
| 15 |
|
| Vose vari kwandiri vanokukwazisa. Ukwazise vose vanotida mukutenda. Nyasha ngadzive nemi mose. |
|
|
|
|