|
| 1 |
|
| Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitovo mizhinji, |
|
| 2 |
|
| zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitavo naye nyika; |
|
| 3 |
|
| iye chadzera chokubwinya kwake, nomufananidzo wake chaiye, unotakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa zvivi zvedu iye pachake, akagara kurudyi rwoVumambo kudenga, |
|
| 4 |
|
| akapfuvura vatumwa nokunaka saizvozvo, sezita raakagara nhaka yaro, |
|
| 5 |
|
| Nokuti wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, Nhasi ndakubereka? uye zve: Ndichava Baba vake, Iye uchava Mwanakomana wangu? |
|
| 6 |
|
| Vuye, kana achizovuyisazve dangwe rake panyika, unoti: Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate. |
|
| 7 |
|
| Napamusoro pavatumwa unoti: Iye unoita vatumwa vake kuti vave Mhepo, Navaranda vake, kuti vave murazvo womoto; |
|
| 8 |
|
| Asi pamusoro poMwanakomana, unoti: Chigaro chenyu chovushe, imwi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri, Netsvimbo yokururama ndiyo tsvimbo yovushe bwako. |
|
| 9 |
|
| Makada kururama, mukavenga kusarurama; Saka Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuvura shamwari dzenyu. |
|
| 10 |
|
| Vuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutanga, Nedenga ndiro basa ramavoko enyu; |
|
| 11 |
|
| Iro richapera, asi imwi mucharamba muripo;Richasakara rose senguvo; |
|
| 12 |
|
| Mucharipeta sechinofukwa, Senguvo, rikashandurwa; Asi imwi makangodaro, namakore enyu haangagumi. |
|
| 13 |
|
| Asi wakambotaura kunani wavatumwa, achiti: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako? |
|
| 14 |
|
| Ko havazi vose mweya inoshumira, yakatumwa, kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here? |
|
|
|
|