|
| 1 |
|
| Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo bwezvinhu zvatisingavoni. |
|
| 2 |
|
| Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka. |
|
| 3 |
|
| Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nenzwi raMwari, naizvozvo zvinhu zvinovonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinovonekwa.. |
|
| 4 |
|
| Nokutenda Abheri wakabayira Mwari chibayiro chakanaka kunechaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, uchangotaura nazvino. |
|
| 5 |
|
| Nokutenda Enoki wakatorwa,kuti arege kuvona rufu; akasavonekwa, nokuti Mwari wakanga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakanga achifadza Mwari. |
|
| 6 |
|
| Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo. |
|
| 7 |
|
| Nokutenda Nowa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuvonekwa,nokutya Mwari, akagadzira areka, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunovuya nokutenda. |
|
| 8 |
|
| Nokutenda Abhurahamu, wakati adamwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. |
|
| 9 |
|
| Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatente naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye; |
|
| 10 |
|
| nokuti wakanga achitarira guta rinenheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. |
|
| 11 |
|
| Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba akazvara mwana, kunyange akanga achembera, nokuti wakati iye wamupikira wakatendeka. |
|
| 12 |
|
| Saka kumunhu mumwe, wakanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi. |
|
| 13 |
|
| Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazvivona zviri kure, vakazvikwazisa, vakazvimbundikira vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. |
|
| 14 |
|
| Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. |
|
| 15 |
|
| Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. |
|
| 16 |
|
| Asi zvino vanoda imwe inopfuvura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haanenyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta. |
|
| 17 |
|
| Nokutenda Abhurahamu, achiidzwa, wakabayira Isaka; iye wakanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, wakanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; |
|
| 18 |
|
| iye wakanga avudzwa, zvichinzi: MunaIsaka vana vako vachatumidzwa; |
|
| 19 |
|
| nokuti wakati Mwari unogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapovo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa. |
|
| 20 |
|
| Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitika. |
|
| 21 |
|
| Nokutenda Jakobho pakufa kwake wakaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake. |
|
| 22 |
|
| Nokutenda Josefa, ofa, wakataura zvokubuda kwavana vaIsraeri, akavaraira pamusoro pamafupa ake. |
|
| 23 |
|
| Nokutenda Mozisi pakuberekwa kwake wakavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakavona kuti wakanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo. |
|
| 24 |
|
| Nokutenda Mozisi, akura, wakaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, |
|
| 25 |
|
| akati zvirinani kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari panokufara muzvivi nguva duku; |
|
| 26 |
|
| akati kuzvidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kose kweIjipiti; nokuti wakatarira mubairo. |
|
| 27 |
|
| Nokutenda wakabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira somunhu unovona iye usingavonekwi. |
|
| 28 |
|
| Nokutenda wakavamba paseka nokusasa ropa, kuti muvurayi wamatangwe avarege ivo. |
|
| 29 |
|
| Nokutenda vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakawoma; vaIjipiti vachiidza izvozvo, vakabitirirwa. |
|
| 30 |
|
| Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. |
|
| 31 |
|
| Nokutenda Rakabi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti wakanga agamuchira vashori norugare. |
|
| 32 |
|
| Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGideoni, naBaraki, naSamusoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; |
|
| 33 |
|
| avo vakakunda vushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba. |
|
| 34 |
|
| Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa pavutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi. |
|
| 35 |
|
| Vakadzi vakapiwa zve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka; |
|
| 36 |
|
| vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirobwa zvikuru, vuyezve vachisungwa, vachiiswa mutirongo; |
|
| 37 |
|
| vakatakwa nambwe, vakatemwa-temwa nejeko, vakaidzwa, vakavurawa nomunondo; vakafamba vakafuka matebwe amakwai, nenguvo dzembudzi; vasinechinhu, va chitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; |
|
| 38 |
|
| (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika. |
|
| 39 |
|
| Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa, |
|
| 40 |
|
| nokuti Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu. |
|
|
|
|