|
| 1 |
|
| Naizvozvo, nesuvo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, mberi kwedu |
|
| 2 |
|
| tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda komufaro wakaiswa pamberi pake, akashovora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro chovushe chaMwari. |
|
| 3 |
|
| Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imwi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu. |
|
| 4 |
|
| Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi. |
|
| 5 |
|
| uye makakangamwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: Mwanakomana wangu, usazvidza Kuranga kwaShe, Usapera moyo kana uchirairwa naye; |
|
| 6 |
|
| Nokuti waanoda Ishe unomuranga, Unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira. |
|
| 7 |
|
| Tsungai henyu moyo kuti murangwe; Mwari unobata nemwi savanakomana; nokuti mwanakomana ndoupi usingarangwi nababa? |
|
| 8 |
|
| Asi kana musingarangwi sezvinoitirwa vose, muri vana vovupombwe, hamuzi vanakomana chaivo. |
|
| 9 |
|
| uye zve isu taiva namadzibaba edu enyama, vaitiranga, tikavakudza; ko hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya, kuti tirarame here? |
|
| 10 |
|
| Nokuti ivo, zvirokwazvo, vakatiranga mazuva mashoma, sezvavaifunga: asi iye unotiranga kuti tibatsirwe, tigogoverwa vutsvene bwake. |
|
| 11 |
|
| Zvino kuranga kose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, asi mariro, asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama. |
|
| 12 |
|
| Saka simbisaizve mavoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; |
|
| 13 |
|
| gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi chiporeswe. |
|
| 14 |
|
| Tsvakai rugare navanhu vose novutsvene, nokuti kunze kwabwo hakunomunhu uchavona Ishe; |
|
| 15 |
|
| Muchichenjerera kuti kurege kuva nomunhu unokonewa panyasha dzaMwari; kuti mudzi wokuvava urege kumuka, ukutambudzei, vazhinji vagosvibiswa nawo; |
|
| 16 |
|
| kurege kuvapo nemhombwe, kana nousinehanya naMwari, saEsau wakatengesa vudangwe bwake nokudya kamwe chete. |
|
| 17 |
|
| Nokuti munoziva kuti achizoda hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yokutendevuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi. Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare |
|
| 18 |
|
| Nokuti hamuna kuswedera kugomo ringabatwa namavoko, rinopfuta, uye kurima, nokusviba, nokudutu guru, |
|
| 19 |
|
| nokurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko;ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rimwe rirege kuzovataurirwa; |
|
| 20 |
|
| nokuti vakakoniwa kutevera chakanga charairwa, chokuti: Kunyange nemhuka kana ikabata gomo, ichatakwa namabwe;kana kufugwa nomuseve. |
|
| 21 |
|
| icho chakavonekwa chakatyisa kudai, kuti naMozisi wakati: Ndinotya kwazvo, ndinodedera; |
|
| 22 |
|
| asi imwi makaswedera kugomo reZiyoni, nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema riri kudenga, nokumazana namazana avatumwa vasingaverengwi, |
|
| 23 |
|
| nokuvungano huru, nokukereke yamatangwe akanyorwa kudenga, nokunaMwari, mutongi wavose, nokumweya yavakarurama vakakwaniswa, |
|
| 24 |
|
| nokunaJesu, Murevereri wesungno itsva, nokuropa rakasaswa, rinotaura zvakanaka kupfuvura ropa raAbheri. |
|
| 25 |
|
| Chenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana avo vakamuramba nguva yaakavaraira panyika, vasina kupukunyuka, zvikuru isu kana tikafuratira iye wokudenga; |
|
| 26 |
|
| inzwi rake rakazungusa nyika nenguva iyo; asi zvino wakapikira, achiti: Ndichabvundisa zve kamwe chete,isati iri nyika bedzi, asi nedengavo. |
|
| 27 |
|
| Zvino shoko iri rokuti, kamwe chete, rinoratidza kubviswa kwezvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti izvo zvisingazununguki zvigare. |
|
| 28 |
|
| Saka, zvatinopiwa vushe bwusingazununguki, ngative nokuvonga kuti tishumire Mwari nako, tichimufadza nokukudza nokutya. |
|
| 29 |
|
| Nokuti Mwari wedu moto unoparadza. |
|
|
|
|