Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Rudo pakati pehama ngarugare. |
| 2 |
| Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi. |
| 3 |
| Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwechete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imiwo. |
| 4 |
| Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari achatongesa mhombwe navanofeva. |
| 5 |
| Musakarira mari pamugariro wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene akati, “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” |
| 6 |
| Naizvozvo tinotsunga mwoyo, tichiti, “Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?” |
| 7 |
| Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. |
| 8 |
| Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi. |
| 9 |
| Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zvakanaka kuti mwoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri. |
| 10 |
| Isu tine atari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhenakeri. |
| 11 |
| Nokuti mitumbi yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene noMupristi Mukuru nokuda kwezvivi, inopiswa kunze kwemisasa. |
| 12 |
| Saka naiye Jesu akatambudzika kunze kwesuwo kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake. |
| 13 |
| Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. |
| 14 |
| Nokuti pano hatina guta richagara, asi tinotsvaka richavapo. |
| 15 |
| Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake. |
| 16 |
| Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari anofara nezvibairo zvakadai. |
| 17 |
| Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu. |
| 18 |
| Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. |
| 19 |
| Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. |
| 20 |
| Zvino Mwari worugare, akadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, |
| 21 |
| ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Kristu ngaave nokubwinya nokusingaperi–peri. Ameni. |
| 22 |
| Asi ndinokurayirai, hama dzangu, kuti mutende neshoko rokurayira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. |
| 23 |
| Zivai kuti hama yedu Timoti akasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwechete naye. |
| 24 |
| Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navatsvene vose. VeItariya vanokukwazisai. |
| 25 |
| Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/hebrews/013.mp3
13
13