|
| 1 |
|
| Naizvozvo, hama tsvene, vagoverani neni pakudanwa kunobva kudenga, fungai zvakanaka Mupostori noMupristi Mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu, |
|
| 2 |
|
| akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMosesiwo mumhuri yake yose. |
|
| 3 |
|
| Nokuti uyu akanzi akafanira kukudzwa kupfuura Mosesi, muvaki weimba wezvaanokudzwa kupfuura imba; |
|
| 4 |
|
| nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, akavaka zvose, ndiye Mwari. |
|
| 5 |
|
| Zvino Mosesi akanga akatendeka muimba yake yose somuranda, kuti ave chapupu chezvinhu zvaifanira kuzotaurwa, |
|
| 6 |
|
| asi Kristu soMwanakomana, akaiswa pamusoro pemhuri yake; iye, tiri mhuri yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, |
|
| 8 |
|
| Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa, Napazuva rokuedzwa murenje; |
|
| 9 |
|
| Pandakaedzwa namadzibaba enyu vachindinetsa, Vakaona mabasa angu makore ana makumi mana. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo ndakanzwa shungu pamusoro porudzi urwu, Ndikati, ‘Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo; Asi havana kuziva nzira dzangu;’ |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi pazororo rangu.’ ” |
|
| 12 |
|
| Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, |
|
| 13 |
|
| asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi, “Nhasi;” kuti kurege kuva nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi. |
|
| 14 |
|
| Nokuti tava vagoverani pamwechete naKristu, kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma; |
|
| 15 |
|
| zvichinzi, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa.” |
|
| 16 |
|
| Nokuti ndivanaani vakanzwa, vakamutsamwisa? Havazi ivo vose vakabva Ijipiti naMosesi here? |
|
| 17 |
|
| Akanzwa shungu makore ana makumi mana pamusoro pavanaani? Havazi ivo vakatadza, mitumbi yavo ikawira murenje here? |
|
| 18 |
|
| Akapika pamusoro pavanaani kuti havangapindi pazororo rake? Havazi ivo vasina kuteerera here? |
|
| 19 |
|
| Zvino tinoona kuti vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo. |
|
|
|
|