|
| 1 |
|
| Naizvozvo, chipikirwa chokupinda muzororo rake zvachichipo, tinofanira kutya kuti zvimwe kurege kuva nomumwe wenyu achawanikwa asingasviki ikoko. |
|
| 2 |
|
| Nokuti nesuwo takaparidzirwa Vhangeri, saivo; asi shoko ravakanzwa, harina kuvabatsira, nokuti harina kuvenganiswa nokutenda kwaivo vakanzwa. |
|
| 3 |
|
| Nokuti isu takatenda, tinopinda pazororo irero, sezvaakareva, achiti, “Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, ‘Havangapindi muzororo rangu.’ ” Kunyangwe mabasa ake akanga akwaniswa kubva pakuvambwa kwenyika. |
|
| 4 |
|
| Nokuti paneimwe nzvimbo akataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti, “Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose; |
|
| 5 |
|
| napanozve; havangapindi muzororo rangu.” |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo, shoko zvarichipo kuti vamwe vachapinda pariri, uye kuti avo vakaparidzirwa Vhangeri kare havana kupinda nokusateerera kwavo, |
|
| 7 |
|
| anotarazve rimwe zuva, rinonzi, “Nhasi” ndizvo zvaanotaura naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, (sezvakwakambotaurwa kare, zvichinzi,) “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu.” |
|
| 8 |
|
| Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, haazaizoreva rimwe zuva pashure. |
|
| 9 |
|
| Zvino zororo reSabata ravanhu vaMwari richipo. |
|
| 10 |
|
| Nokuti uyo akapinda muzororo rake, akazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuvapo anozowa achitevera nzira iyo yokusateerera. |
|
| 12 |
|
| Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. |
|
| 13 |
|
| Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari. |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo, zvatino Mupristi Mukuru kwazvo, akapinda napakati pokudenga, iye Jesu, Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu. |
|
| 15 |
|
| Nokuti hatina Mupristi Mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi akaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira. |
|
|
|
|