|
| 1 |
|
| Nokuti iye Merekizedheki uyu, mambo weSaremu, mupristi waMwari Wokumusororo, akachingurana naAbhurahamu akanga achidzoka kubva kwaakanga andouraya madzimambo. Merekizedheki akakomborera Abhurahamu. |
|
| 2 |
|
| Abhurahamu akamupa chegumi chezvinhu zvake zvose. Kana zita rake rotsanangurwa, pokutanga rinoreva kuti ndiMambo woururami, rinorevawo kuti ndiMambo weSaremu, zvichireva kuti Mambo worugare. |
|
| 3 |
|
| Haana baba; haana amai; haana dzinza; mazuva ake haana mavambo; upenyu hwake hauna mugumo; asi wakafanana noMwanakomana waMwari anoramba ari mupristi nokusingaperi. |
|
| 4 |
|
| Tarisai muone mukuriro waakaita! Abhurahamu, iye zitateguru, vakamupa chegumi chezvavakapamba mukurwa. |
|
| 5 |
|
| Vechizvarwa chaRevhi vanogamuchira upristi hwedzinza. Vano murau unovabvumira kutora, zviri pamutemo, chegumi kubva kuvanhu, ndokuti kubva kuhama dzavo, kunyange vari vana vedzinza rimwechete raAbhurahamu. |
|
| 6 |
|
| Asi munhu uyu asiri wedzinza iri akapiwa chegumi naAbhurahamu, iye akakomborera Abhurahamu, wakareyo aive nezvivimbiso. |
|
| 7 |
|
| Hazvina angarambe kuti mudiki ndiye anokomborerwa nomukuru kwaari. |
|
| 8 |
|
| Apa zvegumi, zvinopiwa kuvanhu vanofa, pamwe apo, zvinopiwa kune anopupurirwa kuti mupenyu. |
|
| 9 |
|
| Zvichida mumwe angatoti iye Revhi pachake, anopiwa zvegumi, akabvisa chegumi pakabvisa Abhurahamu chegumi, |
|
| 10 |
|
| nokuti akanga ari muchiuno chatateguru wake paakasangana naMerekizedheki. |
|
| 11 |
|
| Zvino kana dai ururami huzere hwaiwanikwa pamusana poupristi hwaRevhi, nokutika panguva yahwo ndopakapiwa vanhu mutemo; ko paizodirwei kuti pamuke mumwe mupristi wegovero raMerekizedheki panze pomupristi anodaidzwa nezita regovero raAroni, |
|
| 12 |
|
| nokuti kana upristi hukasanduka nomutemowo unofanira kutosanduka. |
|
| 13 |
|
| Ari kurehwa panyaya iyi akanga ari werimwewo dzinza risina ati amboshanda paAritari. |
|
| 14 |
|
| Zviri pachena kuti Tenzi wedu wakabva kudzinza raJudha, nezvedzinza irori panyaya yezvavapristi, Mosesi haana chaakamboreva. |
|
| 15 |
|
| Izvi zvinobva zvanyatsobuda pachena — chena kana mumwe mupristi wakafanana naMerekizedheki womuka |
|
| 16 |
|
| asina kuitwa mupristi maererano nomurawo womutemo womuzvarirwo wenyama asi pamusana pesimba risingagoni kuparadzwa. |
|
| 17 |
|
| Anopupurirawo kuti, “Iwe uri mupristi wegovero raMerekizedheki nokusingaperi, |
|
| 18 |
|
| nokuti zvinoti, uku murairo wakare wakabviswa pamusana pokushaya simba nokushaya maturo kwawo, |
|
| 19 |
|
| (nokuti mutemo hauna chaunoruramisa) ukuwo uku kwakauya chitarisiro chitsva chiri nani chinotibatsira kuswedera kuna Mwari.” |
|
| 20 |
|
| Izvi hazvina kuitwa pasina mhiko. |
|
| 21 |
|
| Vamwe vakave vapristi pasina mhiko asi iye akave mupristi zvine mhiko. Uye akati kwaari nemhiko, “Mwari akapika uyezve haachasanduka, akati, ‘Uri mupristi nokusingaperi.’ ” |
|
| 22 |
|
| Izvi zvinoita kuti Jesu ave chivimbiso chinotsigira chitenderano chiri nani. |
|
| 23 |
|
| Vapristi vokutanga vaive vazhinji nokuti vaitadziswa norufu kuti vaenderere mberi nebasa ravo. |
|
| 24 |
|
| Asi iye anoramba ainoupristi hwake nokuti anoramba aripo nokusingaperi. |
|
| 25 |
|
| Naizvozvo, anogona kuponesa nguva dzose avo vanouya kuna Mwari nokwaari, nokuti mupenyu nguva dzose kuti avakumbirire. |
|
| 26 |
|
| Nokuti zvakanga zvakakodzera kuti tive nomupristi mukuru wakadai, akarurama, asina chinoshoreka, asina kun'oreswa, akatsaurwa achibviswa panavatadzi, akasimudzirwa pamusoro, kupfuura matenga. |
|
| 27 |
|
| Haasungirwi, sezvinoita vapristi vakuru vaya, kuti zuva roga roga apire chibayiro, pokutanga achizvipirira iye pachake, ozopirirawo zvitadzo zvavanhu, nokuti iye akaita izvi chakamwe paye paakazvipira iye pachake. |
|
| 28 |
|
| Hongu, Mutemo unogadza vanhu vane utera kuti vave vapristi vakuru, asi izwi remhiko, rakazouya mushure moMutemo, rakagadza Mwanakomana, akaita mururami nokusingaperi. |
|
|
|
|