|
| 1 |
|
| Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga, |
|
| 2 |
|
| uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu. |
|
| 3 |
|
| Muprista mukuru mumwe nomumwe akagadzwa kuti ape zvose zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo. |
|
| 4 |
|
| Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro. |
|
| 5 |
|
| Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.” |
|
| 6 |
|
| Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani. |
|
| 7 |
|
| Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano. |
|
| 8 |
|
| Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha, |
|
| 9 |
|
| Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe. |
|
| 10 |
|
| Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu. |
|
| 11 |
|
| Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. |
|
| 12 |
|
| Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.” |
|
| 13 |
|
| Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichashayikwa nokukurumidza. |
|
|
|
|