|
| 1 |
|
| Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika. |
|
| 2 |
|
| Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene. |
|
| 3 |
|
| Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene, |
|
| 4 |
|
| yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatunga, uye namahwendefa esungano. |
|
| 5 |
|
| Pamusoro peareka pakanga paina makerubhi okubwinya, aidzikatidza chifunhiro chengoni. Asi hatingatauri nezvezvinhu zvose izvi zvizere iye zvino. |
|
| 6 |
|
| Zvinhu zvose zvakati zvagadzirwa saizvozvi, vaprista vaizopinda mukamuri yokutanga nguva dzose vachiita ushumiri hwavo. |
|
| 7 |
|
| Asi muprista mukuru oga ndiye aipinda mukamuri yomukati, uye kamwe chete pagore, uye asingatongopindi asina ropa, raaizvibayira iye pachake nezvivi zvavanhu zvavakanga vaita mukusaziva. |
|
| 8 |
|
| Mweya Mutsvene airatidza nechinhu ichi, kuti nzira inoenda kunzvimbo Tsvene-tsvene yakanga isati yaratidzwa sezvo tabhenakeri yakanga ichimire. |
|
| 9 |
|
| Uyu mufananidzo wenguva ino, zvichireva kuti zvipo nezvibayiro zvaibayirwa zvakanga zvisingagoni kuchenesa hana yaiye ainamata. |
|
| 10 |
|
| Zvinongova zvokudya nezvokunzwa uye nokushamba kuzhinji zvapanyama, zvavakatemerwa kusvikira panguva yokuvandudzwa. |
|
| 11 |
|
| Kristu paakauya somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvatova pano kare, akapinda nomutabhenakeri yakapfuura pakukura uye napakukwana isina kugadzirwa nomunhu, zvichireva kuti yakanga isiri chikamu chokusikwa kuno. |
|
| 12 |
|
| Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. |
|
| 13 |
|
| Ropa rembudzi nerenzombe namadota etsiru zvaisaswa pamusoro paavo vakanga vakasvibiswa, zvaiita vatsvene kuti vanatswe panyama. |
|
| 14 |
|
| Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa tigoshumira Mwari Mupenyu! |
|
| 15 |
|
| Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi, zvino sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga. |
|
| 16 |
|
| Nokuti kana iri nhaka yakanyorwa, panofanira kuvapovo nechokwadi chorufu rwaiye akaiita, |
|
| 17 |
|
| nokuti nhaka yakanyorwa ine simba chete kana munhu afa; haina simba kana akaiita achiri mupenyu. |
|
| 18 |
|
| Ndokusaka sungano yokutanga isina kushanda pasina ropa. |
|
| 19 |
|
| Mozisi paakaparidza mirayiro yose kuvanhu vose, akatora ropa remhuru, pamwe chete nemvura, neshinda tsvuku uye namapazi ehisopi, akasasa pabhuku rakapetwa uye napavanhu. |
|
| 20 |
|
| Akati, “Iri iropa resungano, yamakarayirwa naMwari kuti muchengete.” |
|
| 21 |
|
| Nenzira imwe cheteyo, akasasa neropa zvose tabhenakeri nezvinhu zvose zvaishandiswa pakushumira mairi. |
|
| 22 |
|
| Zvirokwazvo, tingati murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa. |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo zvaifanira kuti mifananidzo yezvinhu zvokudenga inatswe nezvibayiro izvi, asi zvinhu zvokudenga zvacho zvaifanira kunatswa nechibayiro chinopfuura izvi. |
|
| 24 |
|
| Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakagadzirwa nomunhu yakanga ichingova mufananidzo waiyo yechokwadi chaiyo; akapinda kudenga chaiko, zvino achitiendera pamberi paMwari. |
|
| 25 |
|
| Uye haana kupinda kudenga kuti azviite chibayiro kakawanda, somuprista mukuru anopinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, gore negore, neropa risiri rake. |
|
| 26 |
|
| Zvino Kristu angadai akazotambudzika kakawanda kubva pakuvambwa kwenyika. Asi zvino akaonekwa kamwe chete pamagumo enguva kuti aparadze chivi nokuzviita chibayiro iye pachake. |
|
| 27 |
|
| Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa, |
|
| 28 |
|
| saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira. |
|
|
|
|