Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Hama dzangu, kutenda kwenyu kunaShe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinovonekwa zvomunhu. |
| 2 |
| Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapindavo murombo, wakapfeka nguvo dzakaipa; |
| 3 |
| mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira ipapo, kana: Gara pasi pachitsiko chetsoka dzangu; |
| 4 |
| ko hamuna kutsaura mumoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here? |
| 5 |
| Inzwai, hama dzangu dzinodikamwa: Ko Mwari haana kusanangura varombo venyika here kuti vave vafumi pakutenda, navadyi venhaka yovushe bwakapikira vanomuda? |
| 6 |
| Asi imwi makazvidza murombo. Ko havazi vafumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here? |
| 7 |
| Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here? |
| 8 |
| Asi zvino kana muchizadzisa murairo wovushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ida wokwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka. |
| 9 |
| Asi kana muchitenda zvinovonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurairo muchinzi vadariki. |
| 10 |
| Nokuti munhu unochengeta murairo wose, akagumburwa kunechinhu chimwe chete, wava nemhosva kunezvose. |
| 11 |
| Nokuti iye, wakati: usaita vupobwe, ndiyevo: wakati usavuraya. Zvino kana usingaiti vupobwe, asi uchivuraya, wava mudariki womurairo. |
| 12 |
| Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurairo wokusunungurwa. |
| 13 |
| Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunousina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga. |
| 14 |
| Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndinokutenda, asi asinamabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? |
| 15 |
| Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, |
| 16 |
| mumwe wenyu akati kwavari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikamwa nomuviri, zvinogobatsirei? |
| 17 |
| Saizvozvo,vo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako. |
| 18 |
| Asi mumwe ungati: iwe unokutenda, neni ndinamabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa,neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu. |
| 19 |
| Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendavo izvozvo, ichidedera. |
| 20 |
| Zvino iwe munhu wovupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusinamabasa kwakafa? |
| 21 |
| Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? |
| 22 |
| Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; |
| 23 |
| rugwaro rukaitika, runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari. |
| 24 |
| Munovona kuti munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi. |
| 25 |
| Saizvozvovo, Rakabhi, chifeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendisa neimwe nzira? |
| 26 |
| Nokuti somuviri usinomweya wakafa, saizvozvo kutenda kusinamabasa kwakafavo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/james/002.mp3
5
2