Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Hama dzangu, kutenda kwenyu kuna Ishe wedu Jesu Kristu, iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinoonekwa zvomunhu. |
| 2 |
| Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa; |
| 3 |
| mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;” |
| 4 |
| ko hamuna kutsaura mumwoyo yenyu, mukava vatongi vanemifungo yakaipa here? |
| 5 |
| Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda? |
| 6 |
| Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here? |
| 7 |
| Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here? |
| 8 |
| Asi zvino kana muchizadzisa murayiro woushe, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka. |
| 9 |
| Asi kana muchitenda zvinoonekwa zvomunhu, munoita zvivi, munopiwa mhosva nomurayiro, muchinzi vadariki. |
| 10 |
| Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose. |
| 11 |
| Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro. |
| 12 |
| Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurayiro wokusunungurwa. |
| 13 |
| Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunoasina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga. |
| 14 |
| Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? |
| 15 |
| Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, |
| 16 |
| mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? |
| 17 |
| Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako. |
| 18 |
| Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.” |
| 19 |
| Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwechete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera. |
| 20 |
| Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? |
| 21 |
| Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? |
| 22 |
| Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; |
| 23 |
| rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” |
| 24 |
| Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi. |
| 25 |
| Saizvozvowo, Rakabhi, chipfeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendesa neimwe nzira? |
| 26 |
| Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/james/002.mp3
5
2