|
| 1 |
|
| Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa. |
|
| 2 |
|
| Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo. |
|
| 3 |
|
| Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiteerere, tinodzorawo muviri wawo wose. |
|
| 4 |
|
| Tarirai magwa makuru, kunyangwe ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzine simba guru, anodzorwa nechidzoreso chidukuduku kwose–kwose nokuda kwomwoyo womufambisi wawo. |
|
| 5 |
|
| Saizvozvowo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei! |
|
| 6 |
|
| Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu, runotungidza irwo neGehena. |
|
| 7 |
|
| Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvinokambaira, neezviri mugungwa angapingudzwa, uye ukambopingudzwa navanhu; |
|
| 8 |
|
| asi hakuna munhu angapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka–shanduka, chizere nomuti unouraya. |
|
| 9 |
|
| Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari; |
|
| 10 |
|
| mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro. |
|
| 11 |
|
| Tsime rinobudisa pachitubhu chimwe mvura inonaka neinovava here? |
|
| 12 |
|
| Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa maonde here? Kunyangwe nemvura inovava haingabudisi inonaka. |
|
| 13 |
|
| Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri. |
|
| 14 |
|
| Asi kana mune godo rinovava norukave mumwoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema. |
|
| 15 |
|
| Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa. |
|
| 16 |
|
| Nokuti pane godo norukave, ndipo pane nyonganiso namabasa ose akaipa. |
|
| 17 |
|
| Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kuno rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri. |
|
| 18 |
|
| Chibereko chokururama chinodyarwa parugare navanoita rugare. |
|
|
|
|