|
| 1 |
|
| Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? |
|
| 2 |
|
| Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. |
|
| 3 |
|
| Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu. |
|
| 4 |
|
| Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari. |
|
| 5 |
|
| Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?” |
|
| 6 |
|
| Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.” |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai. |
|
| 8 |
|
| Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri. |
|
| 9 |
|
| Shuwai mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. |
|
| 10 |
|
| Muzvininipise pamberi paIshe, agokukudzai. |
|
| 11 |
|
| Hama dzangu, musareverana zvakaipa. Unorevera hama yake zvakaipa, kana kutonga hama yake, unorevera murairo zvakaipa nokutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutongi. |
|
| 12 |
|
| Mumwe chete ndiye mutemi womurairo nomutongi, iye anogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotonga wokwako? |
|
| 13 |
|
| Nhai imi, munoti “Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogarako gore, tichishambadzira, tifume |
|
| 14 |
|
| imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu Chiiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.” |
|
| 15 |
|
| Mungadai muchiti, “Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.” |
|
| 16 |
|
| Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa. |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo uyo, anoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye ane zvivi. |
|
|
|
|