|
| 1 |
|
| Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, “Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu. |
|
| 2 |
|
| Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose; |
|
| 3 |
|
| kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowaVaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi, |
|
| 4 |
|
| kurutivi rweZasi, nyika yose yaVaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu waVaAmori; |
|
| 5 |
|
| nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari–gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati; |
|
| 6 |
|
| vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefoti–maimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana VaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana VaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira. |
|
| 7 |
|
| Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.” |
|
| 8 |
|
| VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMosesi mhiri kwaJodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMosesi, muranda waJehovha; |
|
| 9 |
|
| kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni; |
|
| 10 |
|
| namaguta ose aSihoni, mambo waVaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni; |
|
| 11 |
|
| neGireadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka, |
|
| 12 |
|
| noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMosesi vakadzingwa naye. |
|
| 13 |
|
| Kunyangwe zvakadaro vana VaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati; asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati paVaIsiraeri kusvikira nhasi. |
|
| 14 |
|
| Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye. |
|
| 15 |
|
| Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo. |
|
| 16 |
|
| Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha; |
|
| 17 |
|
| Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti–bhaari, neBheti–bhaari–meoni; |
|
| 18 |
|
| neJahazi, neKedhemoti, neMefahati; |
|
| 19 |
|
| neKiriataimi, neSibhima, neZereti–shahari mugomo romupata; |
|
| 20 |
|
| neBheti–peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti–jeshimoti; |
|
| 21 |
|
| namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo waVaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMosesi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo. |
|
| 22 |
|
| Bharamu, mwanakomana waBheori, muuuki, naiyewo wakaurayiwa nomunondo navana VaIsiraeri pakati pavamwe vakaurayiwa navo. |
|
| 23 |
|
| Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo. |
|
| 24 |
|
| Mosesi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo. |
|
| 25 |
|
| Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGiriadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha; |
|
| 26 |
|
| nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati–mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri; |
|
| 27 |
|
| nomumupata Bheti–harami, neBheti–nemura, neSukoti, neZafoni, noumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJodhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJodhani, kumabvazuva. |
|
| 28 |
|
| Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo. |
|
| 29 |
|
| Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo. |
|
| 30 |
|
| Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu; |
|
| 31 |
|
| nehafu yeGiriadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo. |
|
| 32 |
|
| Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMosesi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJodhani paJeriko kumabvazuva. |
|
| 33 |
|
| Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMosesi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye. |
|
|
|
|