Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Nzvimbo yakapiwa rudzi rwaJudha, imba neimba, yaisvika kunyika yeEdhomu kuGwenga reZini zasi kumagumo chaiko. |
| 2 |
| Muganhu wavo wezasi waitangira pamuganhu weGungwa roMunyu, |
| 3 |
| uchiyambukira zasi kwoMupata weChinyavada uchipfuurira kuenda kuZini uchizopfuurira kuenda nechezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo waienda uchipfuura nepaHezironi kusvika Adhari uchikombamira kuKarika. |
| 4 |
| Ipapo waipfuurira kuAzimoni uchindobatana neRwizi rweIjipiti wogumira kugungwa. Uyu ndiwo muganhu wavo wezasi. |
| 5 |
| Muganhu wokumabvazuva ndiwo Gungwa roMunyu kusvikira kumuromo werwizi rweJorodhani. Muganhu wokumusoro waitangira kugungwa pamuromo weJorodhani, |
| 6 |
| uchienda kuBheti Hogira, ndokupfuurira nokumusoro kweBheti Arabha kusvika kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni. |
| 7 |
| Ipapo muganhu waizokwira kuDhebhiri uchibva paMupata weAkori uye uchidzokera nechokumusoro wakananga kuGirigari, pakatarisana noMupata weAdhumimi nechezasi kwomupata. Waipfuurira napamvura yeEni Shemeshi ndokuzobudira kuEri Rogeri. |
| 8 |
| Ipapo waikwira napamupata waBheni waHinomi wakanga uri zasi kwamateru eguta ravaJebhusi (rinova Jerusarema). Kubva ipapo waikwira kumusoro kwechikomo kumavirira kwomupata waHinomi nechokumusoro kwamagumo oMupata weRefaimi. |
| 9 |
| Kubva pamusoro pechikomo, muganhu wainanga kuchitubu chemvura zhinji yeNefutoa, uchibudira kumaguta eGomo reEfuroni ndokuzoburuka wakananga Bhaara iro Kiriati. |
| 10 |
| Ipapo waikombamira kumavirira uchibva paBhaara kusvika paGomo reSeiri uchienda nokumawere eGomo reJearimi (iro Kesaroni), ndokupfuurira pasi kuBheti Shemeshi uchizoyambukira kuTimina. |
| 11 |
| Waiendawo nokumawere echokumusoro kweEkironi, uchidzoka wakananga kuShikeroni, uchipfuura nokuGomo reBhaara uchisvika kuJabhuneeri. Muganhu waindogumira kugungwa. |
| 12 |
| Muganhu wokumavirira ndiwo mahombekombe eGungwa Guru. Iyi ndiyo miganhu yakapoteredza Judha zvichienderana nedzimba dzavo. |
| 13 |
| Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.) |
| 14 |
| Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni. |
| 15 |
| Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi). |
| 16 |
| Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.” |
| 17 |
| Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake. |
| 18 |
| Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?” |
| 19 |
| Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi. |
| 20 |
| Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, imba neimba: |
| 21 |
| Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu kwaiva ne: Kabhizeeri, Edheri, Jaguri, |
| 22 |
| Kina, Dhimona, Adhadha, |
| 23 |
| Kedhasi, Hazori, Itinani, |
| 24 |
| Zifi, Teremi, Bhearoti, |
| 25 |
| Hazori Hadhata, Kerioti Hezironi (iro Hazori), |
| 26 |
| Amami, Shema, Moradha, |
| 27 |
| Hazari Gadha Heshimoni, Bheti Pereti, |
| 28 |
| Hazari Shuari, Bheerishebha, Bhiziotia, |
| 29 |
| Bhaara, Riyimi, Ezemi, |
| 30 |
| Eritoradhi, Kesiri, Hurima, |
| 31 |
| Zikiragi, Madhimana, Sanisana, |
| 32 |
| Rebhaoti, Shirimi, Aini, Rimoni, maguta anokwana makumi maviri namapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo. |
| 33 |
| Mujinga mamakomo okumavirira maiva ne: Eshitaori, Zora neAshina, |
| 34 |
| Zanoa, Eni Ganimi, Tapuwa, Enami, |
| 35 |
| Jarimuti, Adhuramu, Soko, Azeka, |
| 36 |
| Shaaraimi, Adhitaimi, neGedhera (kana kuti Gedherotaimi) anova maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo. |
| 37 |
| Zenani, Hadhasha, Migidhari Gadhi, |
| 38 |
| Dhireani, Mizipe, Jokiteeri, |
| 39 |
| Rakishi, Bhozikati, Egironi, |
| 40 |
| Kabhoni, Rahamasi, Kitireishi, |
| 41 |
| Gedheroti, Bheti Dhagoni, Naama, neMakedha anova maguta gumi namatanhatu pamwe chete nemisha yawo. |
| 42 |
| Ribhina, Eteri, Ashani, |
| 43 |
| Rifita, Ashina, Nezibhi, |
| 44 |
| Keira, Akizibhi, Maresha anova maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo. |
| 45 |
| Ekironi, nenzvimbo dzakaripoteredza nemisha yaro; |
| 46 |
| uye nokumavirira kweKironi namaguta ose akanga ari pedyo neAshidhodhi pamwe chete nemisha yawo; |
| 47 |
| Ashidhodhi nemisha yaro yakaripoteredza neGaza nemisha yaro kusvikira kurukova rweIjipiti namahombekombe eGungwa Guru. |
| 48 |
| Munyika yamakomo maiva ne: Shamiri, Jatiri, Soko, |
| 49 |
| Dhana, Kiriati Sana (iro Dhebhiri), |
| 50 |
| Anabhi, Ashitemo, Animi, |
| 51 |
| Gosheni, Horoni, neGiro anova maguta gumi nerimwe pamwe chete nemisha yawo. |
| 52 |
| Arabha, Dhuma, Eshani, |
| 53 |
| Janimi, Bheti Tapua, Afeka. |
| 54 |
| Humuta, Kiriati Abha, (iro Hebhuroni) neZiori ndiwo maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo. |
| 55 |
| Maoni, Kameri, Zifi, Juta, |
| 56 |
| Jezirieri, Jokidheami, Zanoa, |
| 57 |
| Kaini, Gibhea, neTimuna, ndiwo maguta gumi nemisha yawo. |
| 58 |
| Hariuri, Bheti Zuri, Gedhori, |
| 59 |
| Maarati, Bheti Anoti, neEritekoni ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo. |
| 60 |
| Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo. |
| 61 |
| Murenje maiva ne: Bheti Arabha, Midhini, Sekaka, |
| 62 |
| Nibhishani, Guta roMunyu, neEni Gedhi ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo. |
| 63 |
| Judha haana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vakanga vachigara muJerusarema; nanhasi vaJebhusi vageremo navanhu veJudha. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/joshua/015.mp3
24
15