|
| 1 |
|
| Nyika yakagoverwawo vedzinza rokwaManase nokuti iyeyu ndiye aiva dangwe raJosefi. Makiri dangwe raManase baba waGireadhi vakapiwa nyika yeGireadhi neyeBhashani nokuti akanga ari munhu wehondo. |
|
| 2 |
|
| Dzimwe mhuri dzosewo dzedzinza rokwaManase dzakagoverwawo nyika dzaiti: mhuri yokwaAbhihezeri naHereki naAsirieri naShikemu naHeferi naShemidha. Ndovechirume vedzinza rokwaManase mwana waJosefi mhuri nemhuri. |
|
| 3 |
|
| Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase, akanga asina vana vakomana achingova navasikana chete vaiti: Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. |
|
| 4 |
|
| Vakaenda kuna vava vaiti: mupristi Ereazari naJoshuwa mwana waNunu navatungamiri vakati, “Tenzi akaudza Mosesi kuti tinofanira kupiwa nhaka pakati pehanzvadzi dzedu.” Naizvozvo sokutaura kwakaita Tenzi akavapa nhaka pakati pavakoma navanun'una vababa vavo. |
|
| 5 |
|
| Zvakazoitika ndezvokuti dzinza rokwaManase rakazowana migove gumi tisingaverengere nyika yeGireadhi neyeBhashani iri kumhiri kwaJorodhani, |
|
| 6 |
|
| pari pamusana pokuti vanasikana ivava vokwaManase vakagoverwawo nhaka pakati pavana vokwaManase vechikomana. Nyika yeGireadhi ndiyo yakagoverwa vamwe vokwaManase. |
|
| 7 |
|
| Muganhu wenyika yokwaManase iyi unobvira Asheru kusvikira kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu wodzika kumaodzanyemba kuvanhu vokuEnitapua. |
|
| 8 |
|
| Nyika yeTapua ndeyevokwaManase asi guta reTapua riri pamuganhu waManase nderevokwaEfuraimu. |
|
| 9 |
|
| Muganhu iwoyu waizodzika wosvika kukakova keKana. Maguta ose okumaodzanyemba kwekakova ikaka ndokwaEfuraimu kunyange zvazvo ari mukati memaguta okwaManase. Muganhu uyu wokwaManase waizokwidza nokuchamhembe kwekakova ikaka uchindoperera kugungwa reMediterenieni. |
|
| 10 |
|
| Nyika yokumaodzanyemba kwako ndeyokwaEfuraimu yokuchamhembe kwako ndeyokwaManase, ukuwo gungwa ririwo muganhu, kuchamhembe kwayo inondosvika kunyika yevokwaAsheru, kumabvazuva ichindoganhurana novokwaIsakari. |
|
| 11 |
|
| VokwaManase ivava vaivawo namaguta munyika yevokwaIsakari neyokwaAsheru aiti: Bhetisheani nemisha yaro, nereIbhureamu nemisha yaro. Vagotiwo maguta ano aya navagari vawo anoti: guta reDhoru nemisha yaro nereEndori nemisha yaro neTaanaki nemisha yaro neMegidho nemisha yaro pane aya rechitatu rawo ndiro Nafati. |
|
| 12 |
|
| Asi vokwaManase havana kukwanisa kukurira maguta iwayo nokuti vaKanani vakarambira munyika iyoyo. |
|
| 13 |
|
| VaIsiraeri pavakazenge vava namasimba vakazovaitisa basa rechibharo, asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza. |
|
| 14 |
|
| Vemba yokwaJosefi vakati kuna Joshuwa, “Ko madarireiko kungotipa mugove wenhaka mumwechete chete kudai isu takawanda kwazvo kudai mudzinza medu nokukomborerwa kwatakaitwa naTenzi.” |
|
| 15 |
|
| Joshuwa akavati, “Kana zvirizvo kuti makawanda kudaro, nyika iyoyo yemakomo yokwaEfuraimu yakuitirai duku duku, chiendai zvenyu kumasango kunyika yavaPerizi neyavaRefaimu muzvitemere makombo.” |
|
| 16 |
|
| Vedzinza raJosefi vakati, “Nyika yemakomo haitikwaniri. Chimwewo ndechokuti vaKanani vagere kubani vane ngoro dzehondo dzesimbi, kunoti: vamwe vagere kuBhetisheani nemisha yaro kwouya vamwe vari kubani reJezireeri.” |
|
| 17 |
|
| Joshuwa akaudza vemba yokwaJosefi, vedzinza reEfuraimu neraManase achiti, “Makawanda imi uye mune simba guru. Hazvingaiti kuti muve nomugove wenhaka mumwechete chete. |
|
| 18 |
|
| Zvino nyika yemakomo ichava yenyu. Kunyange zvazvo iri sango kudaro, ritemei muiite yenyu kusvikira kwokupedzesera chaiko kwemiganhu yavo nokuti munofanira kudzinga vaKanani kunyange zvazvo vakasimba vaine ngoro dzehondo dzesimbi.” |
|
|
|
|