|
| 1 |
|
| Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaswedera kumuprista Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri, |
|
| 2 |
|
| vakataura navo paShiro panyika yeKenani, vakati, "Jehovha wakaraira nomuromo waMozisi, kuti tipiwe maguta matingagara, namafuro awo emombe dzedu." |
|
| 3 |
|
| Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta awa namafuro awo, sezvavakanga varairwa naJehovha. |
|
| 4 |
|
| Mhuri dzavaKohati dzikagoverwa nemijenya; vana vomuprista Aroni vaiva vavaRevhi vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pakati porudzi rwaJudha, norwaSimiyoni, norwaBhenjamini. |
|
| 5 |
|
| Asi vamwe vavana vaKohati vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfuremu, norudzi rwaDhani, nehafu yorudzi rwaManase. |
|
| 6 |
|
| Vana vaGerishoni vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAsheri, norudzi rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani. |
|
| 7 |
|
| Vana vaMerari nemhuri dzavo vakapiwa maguta ane gumi namaviri pakati porudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi, norudzi rwaZebhuruni. |
|
| 8 |
|
| Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, sezvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi. |
|
| 9 |
|
| Vakavapa maguta iwayo, akarehwa mazita awo pano, pakati porudzi rwavana vaJudha, norudzi rwavana vaSimiyoni. |
|
| 10 |
|
| Akava avana vaAroni, vemhuri dzavaKohati, vaiva vana vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya, |
|
| 11 |
|
| Vakavapa Kiriati-abha, iye Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni), panyika yamakomo yaJudha, namafuro aro akanga akaripoteredza. |
|
| 12 |
|
| Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake. |
|
| 13 |
|
| Vakapa vana vomuprista Aroni Hebhuroni namafuro aro, rakanga riri guta routiziro romuurayi, uye Ribhina namafuro aro, |
|
| 14 |
|
| neJatiri namafuro aro, neEshitemoa namafuro aro, |
|
| 15 |
|
| neHoroni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro, |
|
| 16 |
|
| neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBheti-shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pamarudzi iwayo maviri. |
|
| 17 |
|
| Napakati porudzi rwaBhenjamini Gibhiyoni namafuro aro, neGebha namafuro aro, |
|
| 18 |
|
| neAnatoti namafuro aro, neArinoni namafuro aro; maguta mana. |
|
| 19 |
|
| Maguta ose avana vaAroni muprista akanga ari maguta ane gumi namatanhatu namafuro awo. |
|
| 20 |
|
| Mhuri dzavana vaKohati, ivo vaRevhi vakanga vasara vavana vaKohati, vakapiwa maguta avo nemijenya pakati porudzi rwaEfuremu. |
|
| 21 |
|
| Vakavapa Shekemu namafuro aro panyika yamakomo yaEfuremu, raiva guta routiziro romuurayi, neGezeri namafuro aro, |
|
| 22 |
|
| neKibhizaimi namafuro aro, neBheti-horoni namafuro aro; maguta mana. |
|
| 23 |
|
| Napakati porudzi rwaDhani, Eriteki namafuro aro, neGebhitoni namafuro aro, |
|
| 24 |
|
| neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta mana. |
|
| 25 |
|
| Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta maviri. |
|
| 26 |
|
| Maguta ose emhuri dzavakanga vasara vavana vaKohati aiva gumi namafuro awo. |
|
| 27 |
|
| Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri. |
|
| 28 |
|
| Napakati porudzi rwalsakari, Kishioni namafuro aro, neDhabherati namafuro aro, |
|
| 29 |
|
| neJarimuti namafuro aro, neEni-ganimi namafuro aro; maguta mana. |
|
| 30 |
|
| Napakati porudzi rwaAsheri, Mishari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro, |
|
| 31 |
|
| neHerikati namafuro aro, neRehobhi namafuro aro; maguta mana. |
|
| 32 |
|
| Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGariri namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti-dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu. |
|
| 33 |
|
| Maguta ose avaGerishoni, nemhuri dzavo, akanga ari maguta ane gumi namatatu namafuro awo. |
|
| 34 |
|
| Mhuri dzavana vaMerari, ivo vakanga vasara kuvaRevhi, vakavapa pakati porudzi rwaZebhuruni, Jokineamu namafuro aro, neKatira namafuro aro, |
|
| 35 |
|
| neDhimuna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta mana. |
|
| 36 |
|
| Napakati porudzi rwaRubheni, Bhezeri namafuro aro, neJahazi namafuro aro, |
|
| 37 |
|
| neKedhemoti namafuro aro, neMofaati namafuro aro; maguta mana. |
|
| 38 |
|
| Napakati porudzi rwaGadhi, Ramoti muGiriyadhi namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neMahanaimu namafuro aro, |
|
| 39 |
|
| neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta mana. |
|
| 40 |
|
| Maguta awa ose akanga ari avana vaMerari, nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara vemhuri dzavaRevhi; mugove wavo wakanga uri maguta ane gumi namaviri. |
|
| 41 |
|
| Maguta ose avaRevhi pakati penhaka yavana vaIsiraeri aiva maguta ana makumi mana namasere namafuro awo. |
|
| 42 |
|
| Maguta awa ose akanga ana mafuro awo, guta rimwe nerimwe; ndizvo zvakanga zvakaita maguta iwayo ose. |
|
| 43 |
|
| Saizvozvo Jehovha akapa vaIsiraeri nyika yose yaakanga apika, kuti uchaipa madzibaba avo; ikava yavo, vakagaramo. |
|
| 44 |
|
| Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo. |
|
| 45 |
|
| Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsiraeri chakakona; zvose zvakaitika. |
|
|
|
|