Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo. |
| 2 |
| Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji. |
| 3 |
| Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai. |
| 4 |
| Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva. |
| 5 |
| Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu. |
| 6 |
| “Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. |
| 7 |
| Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira. |
| 8 |
| Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi. |
| 9 |
| “Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaive nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi. |
| 10 |
| Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa. |
| 11 |
| Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu. |
| 12 |
| Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo, |
| 13 |
| ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu. |
| 14 |
| “Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona. |
| 15 |
| Asi sezvo zvakanaka zvose zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu zvakaitika, saizvozvo Jehovha achauyisa pamusoro penyu zvakaipa zvose zvaakareva kusvikira akuparadzai panyika iyi yakanaka, yaakakupai. |
| 16 |
| Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/joshua/023.mp3
24
23