|
| 1 |
|
| Ipapo Joshua akaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu. Akadana vakuru vavaIsraeri, vatungamiri, vatongi, navatariri vavo vakazviisa pamberi paMwari. |
|
| 2 |
|
| Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari. |
|
| 3 |
|
| Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri kweRwizi ndikamufambisa munyika yose yeKenani ndikamupa vana vazhinji. Ndakamupa Isaka, |
|
| 4 |
|
| uye kuna Isaka ndakapa Jakobho naEsau. Ndakapa Esau nyika yezvikomo yeSeiri, asi Jakobho navanakomana vake vakaenda kuIjipiti. |
|
| 5 |
|
| “ ‘Ipapo ndakatuma Mozisi naAroni uye ndakatambudza vaIjipita nezvandakaita ikoko, uye ndakakubudisai. |
|
| 6 |
|
| Pandakabudisa madzibaba enyu muIjipiti, akasvika pagungwa, vaIjipita vakavatevera vaine ngoro navatasvi vamabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku. |
|
| 7 |
|
| Asi ivo vakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipita; akauyisa gungwa pamusoro pavo rikavafukidza. Makaona nameso enyu chaiwo zvandakaita kuvaIjipita. Ipapo makagara murenje kwenguva refu. |
|
| 8 |
|
| “ ‘Ndakauya nemi kunyika yavaAmori vaigara kumabvazuva kweJorodhani. Vakakurwisai asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakavaparadza pamberi penyu, imi mukatora nyika yavo. |
|
| 9 |
|
| Zvino Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu, akati agadzirira kundorwa naIsraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori kuti akutukei. |
|
| 10 |
|
| Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo akaramba achingokuropafadzai, ini ndikakurwirai paruoko rwake. |
|
| 11 |
|
| “ ‘Ipapo makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko. Vanhu veJeriko vakarwa nemi, sezvakaitawo vaAmori, vaPerizi, vaKenani, vaHiti, vaGirigashi, vaHivhi navaJebhusi, asi ndakavaisa mumaoko enyu. |
|
| 12 |
|
| Ndakatuma mago pamberi penyu, iwo akavadzinga pamberi penyu, uyezve madzimambo maviri avaAmori. Hamuna kuzviita nomunondo wenyu kana nouta hwenyu. |
|
| 13 |
|
| Saka ndakakupai nyika yamusina kushandira namaguta amusina kuvaka; uye mugere maari uye munodya zvinobva muminda yemizambiringa nemiorivhi yamusina kusima.’ |
|
| 14 |
|
| “Zvino ityai Jehovha uye mumushumire nokutendeka kwose. Rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu mhiri kworwizi nokuIjipiti, uye mushumire Jehovha. |
|
| 15 |
|
| Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.” |
|
| 16 |
|
| Ipapo vanhu vakapindura vachiti, “Ngazvive kure nesu kuti tisiye Jehovha kuti tishumire vamwe vamwari! |
|
| 17 |
|
| Jehovha Mwari wedu pachake, ndiye akatibudisa isu namadzibaba edu kubva muIjipiti, nyika youranda, uye akaita zviratidzo zvikuru zvatakaona. Akatidzivirira parwendo rwedu rwose rwatakafamba pakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. |
|
| 18 |
|
| Uye Jehovha akadzinga pamberi pedu ndudzi dzose pamwe chete navaAmori vakanga vagere munyika ino. Nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.” |
|
| 19 |
|
| Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu. |
|
| 20 |
|
| Kana mukarasa Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye achakupindukirai agouyisa njodzi pamusoro penyu agokuparadzai.” |
|
| 21 |
|
| Asi vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete! Isu tichashumira Jehovha.” |
|
| 22 |
|
| Ipapo Joshua akati, “Ndimi zvapupu zvezvamaita kuti masarudza kushumira Jehovha.” Ivo vakapindura vachiti, “Hongu, tiri zvapupu.” |
|
| 23 |
|
| Joshua akati, “Naizvozvo rasai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.” |
|
| 24 |
|
| Vanhu vakati kuna Joshua, “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichamuteerera.” |
|
| 25 |
|
| Pazuva iro Joshua akaitira vanhu sungano, akavadzikira mitemo nemirayiro ipapo paShekemu. |
|
| 26 |
|
| Joshua akanyora mashoko aya mubhuku romurayiro waMwari. Ipapo akatora ibwe guru akariisa pasi pomuouki, pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha. |
|
| 27 |
|
| Akati kuvanhu vose, “Tarirai! Ibwe iri richava chapupu pamusoro pedu. Ranzwa mashoko ose ataurwa naJehovha kwatiri. Richava chapupu pamusoro penyu kana musina kutendeka kuna Mwari wenyu.” |
|
| 28 |
|
| Ipapo Joshua akaendesa vanhu, mumwe nomumwe kunhaka yake. |
|
| 29 |
|
| Mushure mezvinhu izvi Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi. |
|
| 30 |
|
| Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTimunati Sera, munyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kweGomo reGaashi. |
|
| 31 |
|
| VaIsraeri vakashumira Jehovha nguva dzose dzoupenyu hwaJoshua, uye napamazuva ose avakuru vakasara vari vapenyu Joshua afa, avo vakaona zvinhu zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. |
|
| 32 |
|
| Mapfupa aJosefa, ayo akanga auyiwa nawo navana vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavigwa paShekemu, munzvimbo yakanga yatengwa naJakobho kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari yesirivha. Iyi yakava nhaka yezvizvarwa zvaJosefa. |
|
| 33 |
|
| Uye Ereazari mwanakomana waAroni akafa, akavigwa paGibhea munzvimbo yakanga yapiwa mwanakomana wake Finehasi, munyika yamakomo yaEfuremu. |
|
|
|
|