Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJorodhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka. |
| 2 |
| Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa, |
| 3 |
| vakaraira vanhu, vachiti, “Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapristi vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera. |
| 4 |
| Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi.” |
| 5 |
| Zvino Joshua akati kuvanhu, “Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu.” |
| 6 |
| Joshua akataura navapristi, akati, “Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka.” Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu. |
| 7 |
| Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMosesi. |
| 8 |
| Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.’ ” |
| 9 |
| Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, “Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.” |
| 10 |
| Joshua akati, “Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi. |
| 11 |
| Tarirai, areka yesungano yaishe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani. |
| 12 |
| Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe. |
| 13 |
| Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.” |
| 14 |
| Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu; |
| 15 |
| zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,) |
| 16 |
| mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kurekure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. |
| 17 |
| Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/joshua/003.mp3
24
3