Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati, |
| 2 |
| “Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe; |
| 3 |
| ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyamuike mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.’ ” |
| 4 |
| Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe, |
| 5 |
| Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri. |
| 6 |
| Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ |
| 7 |
| Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.’ ” |
| 8 |
| Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo. |
| 9 |
| Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJorodhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi. |
| 10 |
| Nokuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJorodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMosesi; vanhu vakakurumidza kuyambuka. |
| 11 |
| Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi payanhu. |
| 12 |
| Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMosesi. |
| 13 |
| Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. |
| 14 |
| Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mosesi mazuva ose oupenyu hwake. |
| 15 |
| Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati, |
| 16 |
| “Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJorodhani.” |
| 17 |
| Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, “Kwirai, mubude mukati maJorodhani.” |
| 18 |
| Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. |
| 19 |
| Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko. |
| 20 |
| Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari. |
| 21 |
| Akataura navana vaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ |
| 22 |
| Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’ |
| 23 |
| Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; |
| 24 |
| kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/joshua/004.mp3
24
4