|
| 1 |
|
| Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati, |
|
| 2 |
|
| “Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe; |
|
| 3 |
|
| ugovaraira, uchiti, ‘Pano pakati paJodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapristi muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke munoaisa pavato, pamuchanorara usiku huno.’ ” |
|
| 4 |
|
| Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana VaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe, |
|
| 5 |
|
| Joshua akati kwavari, “Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana VaIsiraeri. |
|
| 6 |
|
| Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, ‘Mabwe aya anoti kudiniko?’ |
|
| 7 |
|
| Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jodhani, mvura yaJodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana VaIsiraeri nokusingaperi.’ ” |
|
| 8 |
|
| Vana VaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana VaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo. |
|
| 9 |
|
| Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJodhani, pakanga pamire tsoka dzavapristi vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi. |
|
| 10 |
|
| Nokuti vapristi vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMosesi; vanhu vakakurumidza kuyambuka. |
|
| 11 |
|
| Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapristi pamberi pavanhu. |
|
| 12 |
|
| Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMosesi. |
|
| 13 |
|
| Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. |
|
| 14 |
|
| Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi paVaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mosesi mazuva ose oupenyu hwake. |
|
| 15 |
|
| Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati, |
|
| 16 |
|
| “Raira vapristi vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJodhani.” |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo Joshua akaraira vapristi, akati, “Kwirai, mubude mukati maJodhani.” |
|
| 18 |
|
| Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. |
|
| 19 |
|
| Vanhu vakakwira vakabuda paJodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko. |
|
| 20 |
|
| Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJodhani paGirigari. |
|
| 21 |
|
| Akataura navana VaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ |
|
| 22 |
|
| Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’ |
|
| 23 |
|
| Nokuti Jehovha Mwari akapwisa mvura yaJodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; |
|
| 24 |
|
| kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi. |
|
|
|
|