|
| 1 |
|
| Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pamusoro pezvinhu zvakatukwa; Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa. Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakamukira vaIsraeri. |
|
| 2 |
|
| Zvino Joshua akatuma vanhu kubva Jeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munoshora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanoshora Ai. |
|
| 3 |
|
| Pavakadzoka kuna Joshua, vakati, “Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. Tumirai varume zviuru zviviri kana zvitatu kuti vaitore, mugorega kunetsa vanhu vose ava, nokuti ikoko kuna vanhu vashomanana chete.” |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo kwakaenda varume zviuri zvitatu; asi vakamhanyiswa zvakaipisisa navarume veAi, |
|
| 5 |
|
| avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura. |
|
| 6 |
|
| Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo. |
|
| 7 |
|
| Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani! |
|
| 8 |
|
| Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo? |
|
| 9 |
|
| VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?” |
|
| 10 |
|
| Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako? |
|
| 11 |
|
| VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. |
|
| 12 |
|
| Ndokusaka vaIsraeri vasingagone kumisidzana navavengi vavo; vanofuratira vachitiza nokuti vava vanhu vakatukwa. |
|
| 13 |
|
| “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa. |
|
| 14 |
|
| “ ‘Zvino mangwana mangwanani, munofanira kuzviratidza rudzi norudzi. Rudzi ruchabatwa naJehovha runofanira kuuya mberi imba neimba; imba ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi, mhuri nemhuri; mhuri ichabatwa naJehovha inofanira kuuya mberi munhu nomunhu. |
|
| 15 |
|
| Uyo achawanikwa ane zvinhu zvakatukwa achaparadzwa nomoto, nazvose zvaanazvo. Akanganisa sungano yaJehovha uye aita chinhu chinonyadzisa muIsraeri!’ ” |
|
| 16 |
|
| Mangwana mangwanani Joshua akati vaIsraeri vauye rudzi norudzi; rudzi rwaJudha rukabatwa. |
|
| 17 |
|
| Dzimba dzokwaJudha dzakauya mberi imba yavaZera ikabatwa. Akauyisa imba yavaZera nemhuri dzayo, Zimiri akabatwa. |
|
| 18 |
|
| Joshua akauyisa mhuri yake munhu nomunhu, uye Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akabatwa. |
|
| 19 |
|
| Ipapo akati kuna Akani, “Mwanakomana wangu, ipa mbiri kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, ureurure kwaari. Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira.” |
|
| 20 |
|
| Akani akapindura achiti, “Ichokwadi! Ndakatadzira Jehovha, Mwari waIsraeri. Izvi ndizvo zvandakaita: |
|
| 21 |
|
| Pandakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka yokuBhabhironi, mashekeri mazana maviria esirivha negoridhe rairema mashekeri makumi mashanub, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvakavigwa pasi mutende, sirivha iri pasi pazvo.” |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo Joshua akatuma nhume, vakamhanyira kutende, vakanowana zviriko, zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi. |
|
| 23 |
|
| Vakazvibvisa mutende, vakauya nazvo kuna Joshua nokuvaIsraeri vose, vakazviwadzira pamberi paJehovha. |
|
| 24 |
|
| Ipapo Joshua, pamwe chete navaIsraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha, nenguo, negoridhe, navanakomana navanasikana vake, mombe dzake, namadhongi namakwai ake, netende rake nezvose zvaaiva nazvo, vakaenda nazvo kuMupata weAkori. |
|
| 25 |
|
| Joshua akati, “Watipinzireiko mudambudziko iri? Jehovha achakupinza mudambudziko nhasi.” Ipapo vaIsraeri vose vakamutema namatombo, uye shure kwokuvatema vose, vakavapisa nomoto. |
|
| 26 |
|
| Vakaunganidza murwi wamatombo mukuru pamusoro paAkani, uchiripo nanhasi. Ipapo Jehovha akadzora kutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo nzvimbo iyi yakanzi Mupata weAkori kubvira ipapo. |
|
|
|
|