|
| 1 |
|
| Asi vana VaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana VaIsiraeri. |
|
| 2 |
|
| Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti–avheni, kumabvazuva eBhetieri, akataura navo, akati, “Kwirai, mundoshora nyika.” Varume vakakwira, vakandoshora Ai, |
|
| 3 |
|
| Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, “Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nokuti vashoma havo.” |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi. |
|
| 5 |
|
| Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuwo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo mwoyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura. |
|
| 6 |
|
| Zvino Joshua akabvarura nguo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vaVaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo. |
|
| 7 |
|
| Joshua akati, “Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJodhani, kuti mutiise mumaoko aVaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJodhani! |
|
| 8 |
|
| Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, VaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo! |
|
| 9 |
|
| Nokuti VaKenani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?” |
|
| 10 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka, wawireiko kudai pachiso chako? |
|
| 11 |
|
| VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, babavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo. |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo vana VaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nokuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu. |
|
| 13 |
|
| Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’ |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe. |
|
| 15 |
|
| Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nokuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri.” |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza VaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa; |
|
| 17 |
|
| zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa; |
|
| 18 |
|
| zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa. |
|
| 19 |
|
| Zvino Joshua akati kuna Akani, “Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.” |
|
| 20 |
|
| Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, “Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti; |
|
| 21 |
|
| ndakaona pakati pezvakapambwa nguo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora; tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo.” |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo. |
|
| 23 |
|
| Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana VaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha. |
|
| 24 |
|
| Ipapo Joshua naVaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori. |
|
| 25 |
|
| Zvino Joshua akati, “Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi.” Ipapo VaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe. |
|
| 26 |
|
| Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi. |
|
|
|
|