Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Petro, muapositora waJesu Kristu, kunavakasanangurwa vari vaeni, vakapararira paPonto, neGaratia, neKapadhokia, neAsia, neBitinia, |
| 2 |
| vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muvutsvene bwoMweya, kuti vateerere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri. |
| 3 |
| Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatibereka zve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inovuya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, |
| 4 |
| kuti tive nenhaka isingavori, isina kusvibiswa, isingasvavi yamakachengeterwa kudenga, |
| 5 |
| imwi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira. |
| 6 |
| Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiidzo mizhinji; |
| 7 |
| kuti kuidzwa kokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuvura ndarama inopera hayo, kunyange ichiidzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu; |
| 8 |
| iye wamunoda, kunyange musina kumuvona iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuvoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya; |
| 9 |
| muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, |
| 10 |
| Ndirwo ruponeso rwomweya yenyu.Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita, zvenyasha dzamaizoitirwa imi, |
| 11 |
| vachinzvera kuti nguva ndeipi kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo. |
| 12 |
| Avo, vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvibatiri ivo, asi imi, pazvinhu izvo zvamakataurirwa zvino naivo vakakuparidzirai evhangeri noMweya Mutsvene wakatumwa achibva kudenga; zvinhu izvo vatumwa vanoda kuzvicherekedza. |
| 13 |
| Saka zvisungei zvivuno zvendangarairo dzenyu, musvinure, mutarire nomoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu; |
| 14 |
| muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu; |
| 15 |
| asi saiye mutsvene wakakudanai, nemivo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose; |
| 16 |
| nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene, |
| 17 |
| Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya; |
| 18 |
| muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinovora, nesirivheri kana ndarama, pamufambire wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu; |
| 19 |
| asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risinoruvara; |
| 20 |
| iye wakazikamwa kare, nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu, |
| 21 |
| imi, munotenda naye kunaMwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kunaMwari. |
| 22 |
| Zvamakanatsa mweya yenyu muchiteerera chokwadi Mumweya, kuti mude hama nokusanyengera, munofanira kudana zvikuru nomoyo wose; |
| 23 |
| nokuti makaberekwa kutsva, zvisingabvi pambeu inovora, asi pane isingavori, neshoko raMwari benyu rinogara nokusingaperi. |
| 24 |
| Nokuti, Nyama yose yakaita sovuswa, Nokunaka kose seruva rovuswa, Vuswa bwunosvava, neruva rinowira pasi; |
| 25 |
| Asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/1peter/001.mp3
5
1