Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Naizvozvo rashai zvakaipa zvose, nokunyengera kose, namano, mano negodo, nokuchera kose, |
| 2 |
| savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka womweya, usina kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa; |
| 3 |
| kana makaravira kuti Ishe unomoyo munyoro. |
| 4 |
| Vuyai kwaari, iye ibwe benyu, rakarashwa navanhu, asi rakasanangurwa naMwari, rinokosha. |
| 5 |
| nemwi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuprista vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu. |
| 6 |
| Nokuti muRugwaro zvirimo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe Rekona, rakasanangurwa, Rinokosha; nounotenda kwaari haanganyadziswi. |
| 7 |
| Asi kwamuri imwi munotenda, unokosha asi kuna vasingateereri, ibwe rakarabwa navavaki, ndiro rakazova musoro wekona. |
| 8 |
| uye Ibwe rokugumbusa, Nedombo rokupinganidza; Ndivo avo vanogumburwa neshoko, nokuti havariteereri; ndizvo zvavakaisirwa vo. |
| 9 |
| Asi imwi muri rudzi rwakasanangurwa, vuprista bwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muvuye kuchiedza chake chinoshamisa. |
| 10 |
| imwi kare makanga musi vanhu, asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni. |
| 11 |
| Vadikamwa, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya; |
| 12 |
| mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyigwa, kana vachivona mabasa enyu akanaka. |
| 13 |
| Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; |
| 14 |
| kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye arumbidze vanoita zvakanaka. |
| 15 |
| Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi; |
| 16 |
| savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari. |
| 17 |
| Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo. |
| 18 |
| Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kose, musingazviiti kunavakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakarurama vo. |
| 19 |
| Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira pakutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari. Achitambudzika asinemhosva. |
| 20 |
| Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarobwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kunaMwari. |
| 21 |
| Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraivo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake; |
| 22 |
| iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuvonekwa mumuromo make; |
| 23 |
| iye wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotonga zvakarurama; |
| 24 |
| iye wakatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake. |
| 25 |
| Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/1peter/002.mp3
5
2