Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Naiɀoɀo rashai ɀakaipa ɀose, nokunyeŋgera kwose, namano‐mano, negoɗo, nokucera kwose, |
| 2 |
| saʋacece ʋacaŋgoɓerekwa, paŋgai mukaka womŋeya, usina‐kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa; |
| 3 |
| kana makaraʋira kuti Ishe unomŋoyo munyoro. |
| 4 |
| Ʋuyai kwaari, iye ibge ɓenyu, rakarashwa naʋanhu, asi rakasanaŋgurwa naMŋari, rinokosha. |
| 5 |
| Nemi ʋo, samabge mapenyu, muʋakwe muʋe imba yoMŋeya, muʋe ʋuprista ʋutȿene, kuti muɓayire ɀiɓayiro ɀoMŋeya, ɀinofadza Mŋari nokuɗa kwaJesu Kristu. |
| 6 |
| Nokuti muRugwaro ɀiri’mo, ɀinoti: Tarira, ndinoisa muZioni ibge rekona, rakasanaŋgurwa, rinokosha; Nounotenda kwaari haaŋganyadziswi. |
| 7 |
| Naiɀoɀo imi, munotenda, munako kukudzwa; asi kunaʋasiŋgatendi, Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakaitwa musoro wekona; |
| 8 |
| ʋuye Ibge rokugumbusa, Neɗombo rokupiŋganidza; ndiʋo aʋo ʋanogumburwa neshoko, nokuti haʋaritereri; ndiɀo ɀaʋakaisirwa ʋo. |
| 9 |
| Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa. |
| 10 |
| Imi kare makaŋga musi ʋanhu; asi ɀino muri ʋanhu ʋaMŋari; makaŋga musiŋganzwirwi ŋgoni, asi ɀino manzwirwa ŋgoni. |
| 11 |
| Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya; |
| 12 |
| mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka. |
| 13 |
| Muɀiise pasi pecireʋo cimŋe necimŋe caʋanhu nokuɗa kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; |
| 14 |
| kana ʋari ʋaɓati, nokuti ʋakatumŋa naye kuti ʋatsiʋe ʋanoita ɀakaipa, ʋuye ʋarumbidze ʋanoita ɀakanaka. |
| 15 |
| Nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari, kuti nokuita kwenyu ɀakanaka munyaradze kusaziʋa kwamapenzi; |
| 16 |
| saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari. |
| 17 |
| Kudzai ʋanhu ʋose. Iɗai hama dzose. Ityai Mŋari. Kudzai mambo. |
| 18 |
| Ʋaranda, tererai ʋatenzi ʋenyu nokutya kwose, musiŋgaɀiiti kunaʋakanaka naʋanyoro ɓedzi, asi kunaʋasakarurama ʋo. |
| 19 |
| Nokuti ndidzo nyasha kana munhu acitsuŋgirira pakutambudzika nokuɗa kwehana kunaMŋari, acitambudzika asinemhoȿa. |
| 20 |
| Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari. |
| 21 |
| Nokuti makaɗanirwa iɀoɀo, Kristu ɀaakakutambudzikirai ʋo, akakusiyirai mufananidzo, kuti muteʋere makwara ake; |
| 22 |
| iye usina‐kuita ɀiʋi, nokunyeŋgera hakunakuʋonekwa mumuromo make; |
| 23 |
| iye wakati acitukwa, haana‐kutuka ɀe; wakati acitambudzika, haana‐kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotoŋga ɀakarurama; |
| 24 |
| iye wakatakura amene ɀiʋi ɀeɗu mumuʋiri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuɀiʋi, tiraramire ɀakarurama; iye wamakaporeswa namaʋaŋga ake. |
| 25 |
| Nokuti makaŋga makatsauka samakwai; asi ɀino madzokera kumufudzi nomutariri wemŋeya yenyu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/1peter/002.mp3
5
2