|
| 1 |
|
| Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri make, torai pfungwa imwecheteyo sezvombo zvokurwisa nazvo nokuti munhu wose akarwadziwa mumuviri akatoregera zvokutadza. |
|
| 2 |
|
| Izvi kuti kuti, nguva yasara yamunenge muine muviri, mugare muchitungamirirwa kwete nehavi dzomuviri asi nokuda kwaMwari. |
|
| 3 |
|
| Chiregai nguva yakapfuura ichiva yakakwana yokuita zvinodiwa nevechirudzi zvinoti unzenza, kutevera havi dzomuviri, nokuraradza nokusazvibata kwavararadzi nokutamba kwakaipa nokunamata zvisiri Mwari kwakafumuka. |
|
| 4 |
|
| Iye zvino vavakutoshamiswa kuti imi hamuchabatana navo muupenyu hwerurasademo mukuita zvinhu zvisina kana namaturo ose saka vachikunyombai. |
|
| 5 |
|
| Vachandozvidavirira kwaari iye akagadzirira kutonga vapenyu navafi. |
|
| 6 |
|
| Ndokusaka Shoko Rakanaka rakaparidzwa kunyange kuvakafa kuitira kuti kunyange vakatongwa vaine muviri savanhu, vagare mumweya saMwari. |
|
| 7 |
|
| Kuguma kwezvinhu zvose, kwava pedyo, naizvozvo dzikamai muzvibate kuti mukwanise kunamata. |
|
| 8 |
|
| Kupfuura zvimwe zvose rambai muchingodana nokuti rudo runofukidza zvitadzo zvakawanda. |
|
| 9 |
|
| Gamuchiranai mudzimba dzenyu pasina kunyunyuta. |
|
| 10 |
|
| Mumwe nomumwe wenyu zvaakagamuchira chipo, chishandisiranei savanhu vakapiwa basa rezvikomborero zvakasiyana — siyana naMwari. |
|
| 11 |
|
| Wokuparidza ngaataure somunhu anotaura zvirevo zvaMwari. Anoitira vamwe mabasa ngaaite somunhu anopiwa simba naMwari kuitira kuti muna zvose Mwari arumbidzwe nokuna Jesu Kristu, muridzi wembiri nesimba narini narini Ameni. |
|
| 12 |
|
| Vadikanwi musashamisike nenhamo inopfuta moto inokuwirai kuti ikuedzei; zvinoita sokunge chimwe chinhu chinoshamisa chiri kuitika kwamuri. |
|
| 13 |
|
| Asi itofarai nokutambudzika kwenyu pamwechete naKristu kuitira kuti muzofarawo nokupembera kufara pacharatidzwa pachena mbiri yake. |
|
| 14 |
|
| Kana mukanyombwa pamusana pezita raKristu makakomborerwa nokuti Mweya wembiri, Mweya waMwari ari pamuri. |
|
| 15 |
|
| Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambudzika nokuda kokuva mhondi kana mbavha kana kuva munhu anoita zvakaipa kana nokuva nhunzvatunzva. |
|
| 16 |
|
| Asi munhu akatambudzika somuKristu ngaarege kunyara asi ngaatorumbidza Mwari nezita iroro. |
|
| 17 |
|
| Chikonzero chacho ndechokuti kutongwa kwatotanga kuchitangisa nemhuri yaMwari. Zvino kana kuchitanga nesu kudai, ko kune avo vasingatendi Shoko Rakanaka raMwari zvichaperera kupi? |
|
| 18 |
|
| Kana mururami, kuponeswa kwake kuri kokubuda napaburi retsono ko asiri munamati nomutadzi achamira papi? |
|
| 19 |
|
| Saizvozvowo avo vanotambudzika sokuda kwaMwari ngavazviturire mumaoko aMwari musiki akatendeka. |
|
|
|
|