|
| 1 |
|
| Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: |
|
| 2 |
|
| Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; |
|
| 3 |
|
| musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka. |
|
| 4 |
|
| Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori. |
|
| 5 |
|
| Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. |
|
| 7 |
|
| Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai. |
|
| 8 |
|
| Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya. |
|
| 9 |
|
| Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo. |
|
| 10 |
|
| Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. |
|
| 11 |
|
| Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. |
|
| 12 |
|
| Ndakakunyorerai muchidimbu ndi-chibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri. |
|
| 13 |
|
| Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo. |
|
| 14 |
|
| Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu. |
|
|
|
|