|
| 1 |
|
| Simeoni Petirosi, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu; |
|
| 2 |
|
| nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe mukuziva Mwari naJesu, Ishe wedu; |
|
| 3 |
|
| nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muhupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka; |
|
| 4 |
|
| akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nokuchiva. |
|
| 5 |
|
| Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; |
|
| 6 |
|
| napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; |
|
| 7 |
|
| napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo. |
|
| 8 |
|
| Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. |
|
| 9 |
|
| Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, anoona zviri pedyo bedzi, akanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare. |
|
| 10 |
|
| Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi; |
|
| 11 |
|
| nokuti muchizviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muushe husingaperi hwaIshe wedu, noMuponesi Jesu Kristu. |
|
| 12 |
|
| Saka handingaregi kukuyeuchidzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, uye makasimba muchokwadi chamunacho. |
|
| 13 |
|
| Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhenakeri ino ndikumutsei nokukuyeudzai; |
|
| 14 |
|
| ndichiziva kuti kubviswa kwetabhenakeri yangu kwava pedyo, sezvandakaratidzwa naIshe wedu Jesu Kristu. |
|
| 15 |
|
| Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda. |
|
| 16 |
|
| Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona humambo hwake. |
|
| 17 |
|
| Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.” |
|
| 18 |
|
| Izwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene. |
|
| 19 |
|
| Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu; |
|
| 20 |
|
| muchiziva pakutanga, kuti hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu; |
|
| 21 |
|
| nokuti hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa naMweya Mutsvene. |
|
|
|
|