|
| 1 |
|
| Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. |
|
| 2 |
|
| Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. |
|
| 3 |
|
| Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. |
|
| 4 |
|
| Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.” |
|
| 5 |
|
| Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga raivapo uye nyika yakaumbwa ichibva mumvura uye yakaitwa nemvura. |
|
| 6 |
|
| Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. |
|
| 7 |
|
| Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. |
|
| 8 |
|
| Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, hama dzangu, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. |
|
| 9 |
|
| Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. |
|
| 10 |
|
| Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. |
|
| 11 |
|
| Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, |
|
| 12 |
|
| muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. |
|
| 13 |
|
| Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama. |
|
| 14 |
|
| Saka zvino, hama dzinodikanwa, sezvo muchitarisira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe musina gwapa, musina chamunopomerwa uye muno rugare naye. |
|
| 15 |
|
| Muzive izvi kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponeso, sokunyorerwa kwamakaitwa naPauro hama yedu, nouchenjeri hwaakapiwa naMwari. |
|
| 16 |
|
| Anonyora zvimwe chetezvo mutsamba dzake dzose, achitaura nyaya idzodzi. Tsamba dzake dzine zvimwe zvikukutu kuti zvinzwisiswe, zvinominamiswa navasingazivi uye vanhu vasina simba, sezvavanoita mamwe Magwaro, kusvikira vaparadzwa. |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo vadikani, sezvo mava kuziva zvinhu izvi, garai makarindira kuti murege kutsauswa nokudarika kwavasina murayiro uye mukawa kubva pakusimba kwenyu. |
|
| 18 |
|
| Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino uye nokusingaperi. Ameni. |
|
|
|
|